Enda pane zvauri kuda

17 NOVEMBER, 2021
BOLIVIA

Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva Rakabudiswa Mumutauro weQuechua wekuBolivia

Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva Rakabudiswa Mumutauro weQuechua wekuBolivia

Musi wa24 October 2021, hama Douglas Little, vari muDare Rebazi kuBolivia vakazivisa nezvekubudiswa kweBhaibheri repafoni reShanduro yeNyika Itsva mumutauro weQuechua wekuBolivia. Bhaibheri iri rakabudiswa pamusangano wakarekodhwa uchibva watepfenyurwa kuvanhu vanopfuura 4 000 vari muBolivia. Zvinotarisirwa kuti Bhaibheri rakaprindwa richange rava kuwanika muna April 2022.

Mamwe mashoko ari mumutauro weQuechua wekuBolivia anoreva zvakasiyana-siyana zvichienderana nenzvimbo. Saka muShanduro yeNyika Itsva makaiswa mashoko emuzasi akawanda anenge achitsanangura mashoko akashandiswa kuitira kuti vanhu vari munzvimbo dzakasiyana-siyana vanzwisise zviri kurehwa.

MaBhaibheri akatanga kuwanika mumutauro weQuechua wekuBolivia muna 1880. Asi akawanda acho anongoshandisa zita raMwari rekuti Jehovha, mumashoko emuzasi kana kuti vakatorishandura vachiti “Mwari Baba.” Mumwe mushanduri akati, “Ndiri kufara chaizvo kuti tava neBhaibheri rine zita raMwari.”

Vashanduri vakawanda vakasangana nematambudziko akawanda pavakanga vachiita basa iri. Rimwe racho raiva rekuchengeta veukama vairwara. Uyezve COVID-19 yakaita kuti pavewo nemamwe matambudziko. Mumwe mushanduri akati: “NdiJehovha akaita kuti basa iri ripere uye takatokurumidza kuripedza kupfuura zvataifunga.”

Tine tarisiro yekuti Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva mumutauro weQuechua wekuBolivia richabatsira vakawanda vanotaura mutauro uyu kuti “vaponeswe uye vasvike pakuva neruzivo rwakarurama pamusoro pechokwadi.”—1 Timoti 2:4.