Enda pane zvauri kuda

Hama Hamilton Vieira, nehama yaiturikira mumasaini, vachizivisa nezvekubudiswa kweBhaibheri remasaini, vateereri vakasimudza maoko avo vachiombera

26 SEPTEMBER 2022
BRAZIL

Bhaibheri Rakazara reShanduro yeNyika Itsva reMutauro Wemasaini wekuBrazil Rava Kuwanika

Bhaibheri Rakazara reShanduro yeNyika Itsva reMutauro Wemasaini wekuBrazil Rava Kuwanika

Musi weSvondo 18 September 2022, hama Hamilton Vieira, vari muDare Rebazi reBrazil vakabudisa Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene reMutauro Wemasaini wekuBrazil. Hama Vieira vakazivisa kuti Bhaibheri racho rava kutowanika pajw.org nepaJW Library Sign Language. Purogiramu yacho yakaitirwa pahofisi yebazi yeBrazil uye vanhu vanodarika 36 300 vakaona purogiramu yacho iyo yaiita zvekutepfenyurwa.

Hama nehanzvadzi dziri kutorwa pikicha dzakasimudza mafoni ari kuratidza Bhaibheri reMutauro Wemasaini wekuBrazil

Iri ndiro Bhaibheri rekutanga rakazara reMutauro Wemasaini wekuBrazil uye ndiro rechitatu rakazara rakashandurirwa mumutauro wemasaini pasi rese. Basa rekushandura rakatanga muna 2006, vachitanga neEvhangeri yaMateu. Bhuku rimwe nerimwe reBhaibheri raipera kushandurwa raibva ratobudiswa.

Imwe hanzvadzi iri matsi inonzi Angellyca, yakati: “Ndakamboedza kuverenga Bhaibheri muchiPortuguese, asi zvaindiomera kunzwisisa. Iye zvino tava neBhaibheri reMutauro Wemasaini wekuBrazil, ndava kunyatsonzwisisa zvekuti ndinotoona sekuti ndaivapowo pakaitika zvinhu zvandinenge ndichiverenga!”

Hama nehanzvadzi dzinoshandurira muMutauro Wemasaini wekuBrazil dzichirekodha

Muna 1982, ungano yekutanga yemasaini yakatangwa muRio de Janeiro. Iye zvino, vaparidzi vanenge 9 500 vari kushumira muungano 246, mapoka 337, netumapoka 63 zveMutauro Wemasaini wekuBrazil.

Kubudiswa kwakaitwa Bhaibheri iri kunoratidza kuti Jehovha anoda hama nehanzvadzi dzedu dziri matsi. Tinonyengeterera kuti dai chipo ichi chakazonaka chikabatsira vakawanda kuti vadzidze nezvaJehovha neMwanakomana wake uye vawane nzira inoenda kuupenyu husingaperi.—Johani 17:3.