Enda pane zvauri kuda

Imba yeMagungano iri kuRecife City, muPernambuco kuBrazil, yakakanganisika zvakanyanya

10 JUNE 2022
BRAZIL

Mafashamo Aparadza Zvinhu Zvakawanda kuBrazil

Mafashamo Aparadza Zvinhu Zvakawanda kuBrazil

Mvura ine simba yakanaya nechekuchamhembe kweBrazil kubva musi wa 25 May 2022 yakakonzera mafashamo nekukukurwa kwevhu nematombo kubva mumakomo. Nzvimbo dzakanyanya kuparadzwa iAlagoas nePernambuco, zvekuti mataundi 42 akatobatsirwa nehurumende. Vanhu vanopfuura 145 000 vakatosiya misha yavo uye vanenge 129 vakafa.

Zvakaitika kuHama Nehanzvadzi Dzedu

  • Hapana akafa

  • Vaparidzi 3 vakakuvara asi kwete zvakanyanya

  • Dzimba 280 dzakakanganisika asi kwete zvakanyanya

  • Dzimba 22 dzakakanganisika zvakanyanya

  • Dzimba dzeUmambo 23 dzakakanganisika asi kwete zvakanyanya

  • Imba yeMagungano imwe chete yakanganisika zvakanyanya

Mabasa Ekuyamura

  • Komiti Inobatsira Panoitika Njodzi iri kubatsira vaparidzi vanopfuura 600 nezvinhu zvekushandisa uye vari kuvakurudzira pane zvekunamata

  • Basa rese riri kuitwa pachitevedzerwa mitemo yekuzvidzivirira paCOVID-19

Tinonyengetera kuti hama dzedu ‘dzirambe dzichiwana simba munaShe’ panguva iyi yavari kusangana nedambudziko iri.—VaEfeso 6:10.