22 JUNE 2022
BRAZIL
Makore 75 Zvapupu zvaJehovha Zvanyoreswa Pamutemo muBrazil
“Kutenda Kwedu, Kushingaira Kwedu, Uye Kuvimba Kwataiita naJehovha Hazvina Kumboderera”
Musi wa23 June 1947, Zvapupu zvaJehovha zvakanyoresa sangano reSociedade Torre de Vigia de Bíblias e Tratados (Watch Tower Bible and Tract Society) muBrazil. Iri ndiro sangano repamutemo ranga richishandiswa muBrazil kwemakore 75 apfuura. Hama dzedu dzakaita makore akawanda dzichipikiswa padzaiedza kunyoresa sangano iri zviri pamutemo.
Musi wa13 October 1945, vaparidzi vemuBrazil vakaparadzira chikumbiro chekuti Zvapupu zvaJehovha zvinyoreswe zviri pamutemo. Vaparidzi vanenge 400 vaiva munyika yacho yese vakakwanisa kuita kuti vanhu 44 411 vasaine chikumbiro chacho. Vakatumira chikumbiro chacho kumutungamiriri wenyika asi havana kupindurwa.
Muna 1946, Brazil yakava nebumbiro remutemo idzva. Mubumbiro iri maiva nemitemo yaiita kuti sangano reWatch Tower Bible and Tract Society rikwanise kunyoreswa. Gore iroro, kwaiva nevaparidzi vanenge 442 vaiparidza mwedzi wega wega munyika yacho.
Vatungamiriri vezvitendero havana kufara nekunyoreswa pamutemo kwakaitwa sangano reWatch Tower Bible and Tract Society. Pashure pemakore matatu, musi wa3 November 1949, vatungamiriri vezvitendero vakakwanisa kuita kuti mutungamiriri wenyika asaine gwaro rekumisa mabasa esangano reWatch Tower Society uye rekurivhara. Hama dzakaendesa nyaya yacho kudare. Nyaya yacho yakaramba ichitongwa mumatare kusvikira musi wa8 April 1957, mumwe mutungamiriri wenyika mutsva paakaita chisarudzo chaitsigira sangano reWatch Tower Bible and Tract Society.
Hama dzedu padzairwisa nyaya iyi mumatare, Jehovha akaramba achikomborera basa rekuparidza. Hama Djalma Mendes Souto, avo vakabhabhatidzwa muna 1941 uye vaiva mumwe wenhengo dzekutanga dzesangano reWatch Tower Society muBrazil, vakati: “Kutenda kwedu, kushingaira kwedu, uye kuvimba kwataiita naJehovha hazvina kumboderera, uye izvozvo zvakaita kuti nhamba yevaparidzi irambe ichiwedzera. Takafara chaizvo patakava nevaparidzi vanopfuura 1 000 muna 1947.”
Kubvira ipapo, nhamba yeZvapupu zvaJehovha muBrazil yakaramba ichiwedzera zvinoshamisa. Muna 2021, muBrazil maiva nevaparidzi 913 479 uye vanhu 2 184 856 vakapinda Chirangaridzo cherufu rwaKristu. Gungano ra2021 raiva nemusoro unoti “Simbiswa Nekutenda!” rakashandurwa mumitauro 15, kusanganisira mitauro 10 yevagari vemo.
Tinokurudzirwa nekuti Jehovha ari kuramba achikomborera basa riri kuitwa muBrazil. Kutsungirira kwehama dzedu pasinei nekuti zvakanga zvakaoma kuti vanyoreswe zviri pamutemo kunoratidza kuti Jehovha anonunura vaya vanotarisira kwaari.—Isaya 25:9.