Enda pane zvauri kuda

4 JANUARY 2022
BRAZIL

Nechekuchamhembe kweBrazil Kwakaita Mafashamo

Nechekuchamhembe kweBrazil Kwakaita Mafashamo

Kubva musi wa24 kusvika musi wa26 December 2021, munzvimbo inonzi Bahia State, kuBrazil makanaya mvura ine simba uye yakavhiringidza upenyu hwevanhu vanopfuura 640 000. Mafashamo aya akaita kuti madhamu atsemuke uye zvakabva zvaita kuti mamwe maguta azare mvura.

Zvakaitika Kuhama Nehanzvadzi Dzedu

  • Hapana akafa kana kukuvara

  • Vaparidzi 273 vaitofanira kusiya misha yavo

  • Dzimba 109 dzakakanganiswa asi kwete zvakanyanya

  • Dzimba dzeUmambo 3 dzakakanganiswa asi kwete zvakanyanya

Mabasa Ekuyamura

  • Komiti Yekubatsira Panoitika Njodzi (DRC) yakarongwa kuti ipe hama zvekudya, mvura uye zvekupfeka

  • Vaparidzi vakasiya misha yavo vari kumbofanogara neveukama kana kuti nezvimwe Zvapupu

  • Basa rekuyamura riri kuitwa pachitevedzerwa mitemo yekuzvidzivirira paCOVID-19

Hama Marcelo Ambrósio, avo vari muKomiti Yekubatsira Panoitika Njodzi vanoti: “Kubatsirana kuri kuita hama nehanzvadzi kwatikurudzira chaizvo uye zvaita kuti tiwedzere kuda kushumira Jehovha.”

Tinoziva kuti Jehovha “achava nzvimbo yekupotera” kuhama dzedu dzakawirwa nemafashamo.—Pisarema 9:9.