Enda pane zvauri kuda

Kuruboshwe: Vanhu vanogamuchirwa kuti vatsanangurirwe zviri pajw.org. Nechekumusoro kurudyi: Hanzvadzi isingaoni uye iri matsi iri kutaura nemunhu ichiita zvekumusainira mumaoko. Nechepazasi kurudyi: Screen iri kuratidza mavhidhiyo ari pajw.org uye munhu ari kuudzwa zviri kuitika muvhidhiyo

5 OCTOBER 2022
BRAZIL

Zvinhu Zviri paJW.ORG Zvekubatsira Vakaremara Zvakaratidzwa paTrade Fair yekuBrazil

Zvinhu Zviri paJW.ORG Zvekubatsira Vakaremara Zvakaratidzwa paTrade Fair yekuBrazil

Kubva musi wa1 kusvika 4 September 2022, Zvapupu zvaJehovha zvakaratidzawo zvinhu zviri pajw.org zvekubatsira vakaremara pa2022 International Trade Fair on Rehabilitation, Inclusion and Accessibility Technologies (Reatech) muguta reSão Paulo, kuBrazil. Reatech ndicho chirongwa chekuratidzira zvinhu zvinobatsira vakaremara chinonyanya kukosheswa chaizvo muLatin America. Gore rino, pachirongwa ichi paiva nevanhu vanopfuura 46 000.

Hama nehanzvadzi dzedu dzakaratidza jw.org, JW Library neJW Library Sign Language. Vaivawo nezvimascreen zvekuti munhu aigona kuona kuti zvinhu izvi zvinoshanda sei. Paivawo nevaparidzi vasingaoni uye vasinganyatsooni zvakanaka vairatidza kuti zvinhu zvakasiyana-siyana zviri pajw.org, neJW Library zvinoshanda sei.

Imwe nyanzvi inobatsira vanhu vakaremara yakati: “Zvinoshamisa kuti pane chitendero chine hanya zvakadaro nevanhu vakaremara.” Mumwewo akati: “Iyi inzira yakanaka chaizvo yekuita kuti vakaremara vanzwewo kuti vanhu vakangofananawo nevamwe!”

Vamiririri vesangano reNational Organization of the Blind in Brazil (ONCB) vaivapowo pachirongwa cheReatech cha2022. Vaitepfenyura zvavaiita paredhiyo. Musi wekutanga uye wekupedzisira wechirongwa ichi, hama dzairatidzira jw.org dzakabvunzwawo pachirongwa chekutepfenyura zvaiitika. Hama idzi dzakatsanangura kuti Zvapupu zvaJehovha zvinobatsira sei mapofu, vanhu vasinganyatsooni nematsi muBrazil, uye pasi rese. Pavaibvunza hama idzi, mumwe mumiririri wesangano reONCB akati pajw.org pane zvinhu zvinobatsira matsi zvaasati amboona.

Hama mbiri dziri kubvunzwa nevamiririri vesangano reNational Organization of the Blind in Brazil

Kubvira kare, Jehovha agara achiratidza kuti anoda chaizvo vanhu vakaremara. (Revhitiko 19:14) Tine chokwadi chekuti anofara chaizvo paanoona Zvapupu zvake zvichitevedzera rudo rwake. Tinotarisira nguva iyo “maziso emapofu achasvinudzwa, uye nzeve dzematsi dzichavhurwa.”—Isaya 35:5.