Enda pane zvauri kuda

10 OCTOBER, 2022
CAMEROON

Bhaibheri Rakazara reShanduro yeNyika Itsva Rakabudiswa Mumutauro wechiBassa (Cameroon)

Bhaibheri Rakazara reShanduro yeNyika Itsva Rakabudiswa Mumutauro wechiBassa (Cameroon)

Musi wa1 October 2022, Hama Stephen Attoh, vari muDare reBazi rekuCameroon, vakabudisa Bhaibheri repafoni reShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene mumutauro wechiBassa (Cameroon). Bhaibheri iri rakabudiswa papurogiramu yakanga yagara yakarekodhwa ikazotepfenyurwa kuti ruzhinji ruione. MaBhaibheri akaprindwa achange ava kuwanikwa panozosvika April 2023. Aka ndekekutanga kuti Zvapupu zvaJehovha zvishandure Bhaibheri rakazara mumutauro wemuCameroon. Muna 2019, Zvapupu zvakabudisa Bhaibheri reMagwaro echiKristu echiGiriki muchiBassa (Cameroon).

Hofisi yeshanduro yemutauro wechiBassa (Cameroon) iri muguta reDouala, Cameroon

Bhaibheri iri risati rabudiswa, kwaivawo nedzimwe shanduro dzeBhaibheri rakazara muchiBassa (Cameroon). Asi maBhaibheri aya haasi nyore kuwana uye anodhura, uyewo kakawanda kacho anoshandisa mashoko asingachanyanyi kushandiswa nevanhu. Mumwe mushanduri anoti: “Kubudiswa kweBhaibheri iri kuchaita kuti vanhu vanofarira vavewo nemaBhaibheri avo. Mashoko arimo ari nyore kunzwisisa uye anofambirana nenguva.”

Tinofara kuti hama nehanzvadzi dzedu dzinotaura chiBassa (Cameroon) dzava neShanduro yeNyika Itsva yakazara yekushandisa pakudzidza vari vega uye muushumiri pavanenge vachitsvaga vanhu vakakodzera.—Mateu 10:11..