Enda pane zvauri kuda

15 AUGUST 2022
CAMEROON

Magwaro echiKristu echiGiriki Akabudiswa Mumutauro weBoulou

Magwaro echiKristu echiGiriki Akabudiswa Mumutauro weBoulou

Musi wa6 August 2022, Hama Gilles Mba vari muDare Rebazi rekuCameroon, vakabudisa Bhaibheri repafoni reShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki remutauro weBoulou. Purogiramu yacho yakaita zvekutepfenyurwa kuvaparidzi. Zvinotarisirwa kuti maBhaibheri akaprindwa achange ava kuwanika muna 2023.

Hofisi yeshanduro yeBoulou iri muEbolowa kuCameroon

Kune dzimwe shanduro dzeBhaibheri mumutauro wechiBoulou, asi dzinodhura chaizvo. Dzimwe dzine mashoko asisashandiswe nevanhu uye hadzina zita raMwari. Uyewo zvimwe zvirimo zvakasiyana nezviri mumagwaro ekutanga eBhaibheri. Semuenzaniso, dzimwe shanduro dzinoshandura mashoko ekuti “Umambo hwaMwari” dzichiti “Dzinza raMwari,” “Rudzi raMwari,” kana kuti “Nyika yaMwari.” Nekuti Bhaibheri idzva iri reMagwaro echiKristu echiGiriki rinoshandisa shoko rekuti “Umambo,” zvichange zvava nyore kutsanangura kuti Umambo hwaMwari ihurumende yakagadzwa naJehovha.

Mumwe wevashanduri akati: “Sezvo tava neBhaibheri iri, tava kukwanisa kuudza vanhu chokwadi chavanogona kuvimba nacho.”

Tine chokwadi chekuti Bhaibheri iri reShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki remutauro weBoulou richaita kuti hama nehanzvadzi dzedu dzikwanise kuramba dzichibatsira vanhu “vanoziva kuti vanoda kutungamirirwa naMwari.”—Mateu 5:3.