13 JUNE 2022
CHILE
Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki Yakabudiswa Mumutauro weMapudungun
Musi wa5 June 2022, Hama Jason Reed vari muDare Rebazi rekuChile, vakabudisa Bhaibheri repafoni uye rakaprindwa reShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki mumutauro weMapudungun. Ungano dzemutauro uyu dziri muChile dzakakokwa kuti dzipinde purogiramu yacho iyo yaiita zvekutepfenyurwa. Vanhu vanenge 800 vakapinda purogiramu yacho.
Vanhu vakawanda verudzi rwechiMapuche vanogara munzvimbo dziri nechepakati uye kumaodzanyemba kwenyika yeChile neyeArgentina. Nyika yeChile neyeArgentina dzakakomberedzwa negungwa rePacific nereAtlantic. Nharaunda yavanogara ine masango, makomo anoputika, makomo eAndes nemapani akakura. Vanhu vechiMapuche vanogamuchira vaenzi zvakanaka uye vanoremekedza chaizvo zvinhu zvitsvene.
Kubvira mugore ra1901 paiva nezvikamu zveBhaibheri mumutauro weMapudungun, uye muna 1997, rimwe sangano rinoshandura maBhaibheri rakabudisa shanduro yeMagwaro echiKristu echiGiriki. Asi paidiwa shanduro yakanyatsorurama. Semuenzaniso, shanduro iyi yakabudiswa muna 1997 inoshandisa shoko rekuti “muchinjikwa” painenge ichitaura pakarovererwa Jesu. Asi Shanduro yeNyika Itsva inoshandisa shoko rechiMapudungun rinoreva kuti “danda,” kuratidza kuti Jesu akafira pabango rakati twasu.
Zvinofadza chaizvo kuti panguva yaibudiswa Bhaibheri repafoni reShanduro yeNyika Itsva, vanhu vaiteerera purogiramu yacho iyo yaitepfenyurwa kuDzimba dzeUmambo 23 vakabva vatopiwa maBhaibheri acho akaprindwa. Hama Jorge González, vari muDare Rebazi rekuChile vakatsanangura kuti: “Vanhu vechiMapuche vanoomerwa nekuvimba nemashoko matsvene, akadai seShoko raMwari paanenge ari pazvinhu zvakaita semafoni. Saka tinotarisira kuti vanhu vakawanda vachada kuva nemaBhaibheri avo akaprindwa eShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki mumutauro weMapudungun.”
Tinonyengetera kuti dai Bhaibheri iri rikabatsira vanhu vakawanda vanobva ‘mumarudzi ese’ kuti vasvike pakuziva Jehovha vomunamata.—Isaya 2:2.