Enda pane zvauri kuda

Hama nehanzvadzi dzemutauro wechiEmberá (Chamí)- uye wechiGuambiano dzichitambira vanhu vauya kugungano. Pamusoro: mukomana ane makore 12 anotaura mutauro wechiEmberá (Chamí) anonzi Henry Carrasco achibhabhatidzwa. Pazasi: Hama mbiri dzichiturikira purogiramu mumutauro wechiGuambiano

9 JUNE 2023
COLOMBIA

Gungano Rekutanga Rakasiyana Nemamwe Rakaitwa Mumutauro wechiGuambiano uye wechiEmberá (Chamí)

Gungano Rekutanga Rakasiyana Nemamwe Rakaitwa Mumutauro wechiGuambiano uye wechiEmberá (Chamí)

Pane gungano rakasiyana nemamwe ese rakaitwa mumitauro yakasiyana-siyana panzvimbo imwe chete, muCali, kuColombia, musi weSvondo 26 March 2023. Aka ndiko kaiva kekutanga kuti gungano redunhu remutauro weSpanish riturikirwe mumutauro wechiGuambiano uye wechiEmberá (Chamí). Vanhu vanopfuura 1 600 vakapinda gungano iri. Nhamba iyi inosanganisira vanhu 48 vanotaura chiGuambiano uye 78 vanotaura chiEmberá (Chamí).

MuColombia mune vanhu vanopfuura 21 000 vanotaura chiGuambiano serurimi rwaamai uye vanopfuura 77 000 vanotaura chiEmberá (Chamí) serurimi rwaamai. Kare, Dzimba Dzemagungano dzekuColombia dzainge dzisina midziyo inoshandiswa pakuita kuti purogiramu iturikirwe mumitauro yakawanda panguva imwe chete. Saka vanhu vemitauro iyi vaipinda magungano emutauro wechiSpanish kunyange zvazvo vaisanyatsonzwisisa mutauro uyu.

Mhuri dzemitauro iyi padzakanzwa nezvegungano iri, dzakabva dzatanga kuchengeta mari yekuenda kunoripinda. Ndozvakaitwa nemhuri yekwaCarrasco ine vanhu 8. Mhuri iyi inogara kure chaizvo neImba Yemagungano. Kuti vaende kugungano vanofanira kufamba maawa matatu netsoka vozoita maawa 12 nebhazi. Chido chavo chekupinda gungano hachina kuderera nemhaka yekuti vaifanira kufamba madaro akareba uye vaida mari yakawanda yekuenda kugungano. Vakatanga kugadzirira pachine mwedzi yakawanda, vachitengesa zvinhu zvinogadzirwa nemaoko kuti vawane mari yekufambisa. Pagungano racho, mwanakomana wavo ane makore 12 anonzi Henry ndemumwe wevanhu vaviri vakabhabhatidzwa pavanhu vanotaura chiEmberá (Chamí). Pakabhabhatidzwawo vanhu vaviri vanotaura chiGuambiano.

Hama nehanzvadzi dzemutauro wechiEmberá (Chamí)- uye wechiGuambiano dzichiteerera purogiramu mumutauro wadzo

Hanzvadzi Adrianin Morales, avo vaiva muturikiri mumutauro weGuambiano vakati: “Zvaifadza chaizvo kuva negungano raiturikirwa mumutauro wangu. Kuziva kuti munhu wese aivapo ainzwa shoko raJehovha mumutauro wake kwakaita kuti ndifare chaizvo.”

Hama Diomedes Velasco , avo vaiva muturikiri wemutauro weGuambiano, vakati: “Ndakatya chaizvo pandakaudzwa kuti ndaizoturikira pagungano. Asi pandakaona zvinhu zvakanaka zvaiitirwa vanhu naJehovha, ndakabva ndashinga. Chaiva chikomborero chaicho kuita basa iri randakapiwa naJehovha.”

Zvinofadza chaizvo kuona vanhu vemitauro yese vachiti: “Uyai, ngatikwirei kugomo raJehovha.”—Isaya 2:3.