Enda pane zvauri kuda

Pikicha inoratidza zvichange zvakaita chimwe chezvivakwa zvichashandiswa semahofisi muLubumbashi kuDemocratic Republic of the Congo

21 JANUARY 2022
DEMOCRATIC REPUBLIC OF THE CONGO

Basa Rekuvaka Mahofisi Ebazi Matsva kuDemocratic Republic of the Congo Rakatanga

Basa Rekuvaka Mahofisi Ebazi Matsva kuDemocratic Republic of the Congo Rakatanga

Mahofisi ebazi idzva rekuDemocratic Republic of the Congo akatotanga kuvakwa muguta reLubumbashi. Aya ndiwo achange ari mahofisi makuru munyika iyi. Vashandi vepaBheteri vanosvika 260 vari kutarisirwa kutanga kutamira kuzvivakwa izvi munenge muna May 2022, uye vamwe 131 vacharamba vachishandira pamahofisi ari muguta reKinshasa. a Pedyo nemahofisi ari muKinshasa pari kuvakwawo mamwe mahofisi ekushandira uye dzimba dzekugara. Vashandi vepaBheteri vanosvika 48 vachatanga kushandisa zvivakwa izvi pashure paJanuary 2024. Zvivakwa zvitsva izvi zvichashandiswa pakutsigira basa rekuparidza uye vaparidzi vari kuramba vachiwanda munyika yeCongo.

Basa riri kufamba zvakanaka pane chimwe chezvivakwa zvitatu zvichashandiswa semahofisi

Mugore rebasa ra2021, hama dzedu dzekuDemocratic Republic of the Congo dzakaitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvinopfuura 250 000. Vanhu vanopfuura 1 miriyoni vakapinda Chirangaridzo cherufu rwaKristu. Iye zvino pahofisi yebazi iri muKinshasa pane vashandi vepaBheteri 394.

Sezvo zvakanga zvisingaiti kuti vavake zvimwe zvivakwa pamahofisi ari muKinshasa, hama dzakatsvaga nzvimbo yekuvaka mune mamwe maguta. Vakawana nzvimbo yakanaka muguta reLubumbashi yavaigona kuvaka bazi idzva uyewo inoita kuwedzera zvimwe zvivakwa zvingazodiwa mune ramangwana.

Kuruboshwe: Vashandi vepaBheteri vanoda kusvika 300 vachatanga kutamira kuLubumbashi munguva pfupi iri kutevera. Kurudyi: Pikicha inoratidza zvichange zvakaita zvivakwa zvacho kana zvapera

Kubva kuKinshasa kuenda kunzvimbo iyi iri kuLubumbashi pane makiromita 2 300. Nzvimbo yacho yakakura maeka 30 uye ichange iine dzimba dzekugara, mahofisi, munochengeterwa zvinhu, imba inogona kushandiswa seimba yekudyira nezvimwewo uye nzvimbo dzekutandarira.

Mahofisi aya akatanga kuvakwa muna November 2020 asi nemhaka yechirwere cheCOVID-19, basa racho rakambovhiringidzika.

Hama Robert Elongo vari muDare Rebazi rekuCongo (Kinshasa) vakati: “Mabhodha akanga akavharwa. Zvainge zvakaoma kuti zvinhu zvekuvakisa zvisvike nenguva saka basa racho richatora nguva yakati rebei kupfuura yataitarisira.”

Pasinei naizvozvo, Hama Elongo vakati: “Mugore rimwe chete bedzi, takwanisa kupedza inoda kusvika hafu yebasa ratanga takaronga kutanga kuita muchikamu chekutanga chekuvaka bazi iri.”

Zviri pachena kuti Jehovha ari kukomborera basa iri. Tinonyengetera kuti dai zvinhu izvi zvaKristu zvikava uchapupu munharaunda zvoita kuti zita raJehovha Mwari rikudzwe.—Mateu 24:47.

a Bazi reDemocratic Republic of the Congo (Kinshasa) rinoona nezvebasa rekuparidza riri kuitwa muDemocratic Republic of the Congo uye muRepublic of the Congo.