Enda pane zvauri kuda

28 FEBRUARY 2022
DEMOCRATIC REPUBLIC OF THE CONGO

Bhaibheri reMagwaro echiKristu echiGiriki Rakabudiswa Mumutauro weKipende

Bhaibheri reMagwaro echiKristu echiGiriki Rakabudiswa Mumutauro weKipende

Musi wa20 February 2022, Bhaibheri reShanduro Yenyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki rakabudiswa mumutauro weKipende. Hama Nicolas Hifinger vari muDare Rebazi rekuCongo (Kinshasa) vakabudisa Bhaibheri iri repafoni papurogiramu yakaita zvekurekodhwa ichibva yatepfenyurwa kuvaparidzi vanenge 10 000. MaBhaibheri akaprindwa achange ava kuwanika muna April 2022.

Nhoroondo yeZvapupu zvaJehovha zviri mundima yemutauro weKipende yakatanga kuma1960 mumwe murume anonzi Makanda Madinga Henri paakapiwa magazini yeNharireyomurindi. Pashure pekunge averenga magazini yacho, Makanda akabvuma kuti zvaitaurwa mubhuku racho chaiva chokwadi uye akatanga kuudza vamwe zvaakanga ari kudzidza. Makanda akazobhabhatidzwa seChapupu chaJehovha. Pava paya, ungano yekutanga yemutauro weKipende yakatangwa muKiefu muna 1979.

Hofisi yeshanduro iri muKikwit, anenge makiromita 500 kubva pahofisi yebazi iri muKinshasa

Bhaibheri iri richabatsira hama nehanzvadzi dzedu pavanenge vachidzidza vari vega uye pavanenge vachiita basa rekuparidza. Semuenzaniso, Hama Hifinger vakati Bhaibheri iri “rakajeka, rinotaura chokwadi,” uye “rakadzorera zita raJehovha pese paraiva muzvinyorwa zvekutanga.”

Dai Shanduro yeNyika Itsva iyi ikabatsira hama dzedu kuramba ‘vachibereka zvibereko mumabasa ese akanaka uye vachiwedzera paruzivo rwakarurama pamusoro paMwari.’—VaKorose 1:10.