Enda pane zvauri kuda

21 DECEMBER 2022
DEMOCRATIC REPUBLIC OF THE CONGO

Mafashamo Akauraya Vanhu kuCongo (Kinshasa)

Mafashamo Akauraya Vanhu kuCongo (Kinshasa)

Musi wa13 December 2022, kuCongo (Kinshasa) kwakanaya mvura yakawanda yakakonzera mafashamo uye kukukurwa kwevhu nematombo kubva mumakomo. Vanhu vanosvika 141 vakafa nekuti dzimwe nharaunda dzinogara vanhu dzakazara mvura uye zvimwe zvivakwa zvakadhirika.

Zvakaitika Kuhama Nehanzvadzi Dzedu

  • Zvinosuwisa kuti hama imwe chete yakafa

  • Muparidzi mumwe chete akakuvara

  • Dzimba nhatu dzakaparadzwa

  • Dzimba nhatu dzakakanganisika zvakanyanya

  • Dzimba shanu dzakakanganisika, asi kwete zvakanyanya

  • Imba yeUmambo imwe chete yakakanganisika, asi kwete zvakanyanya

Mabasa Ekuyamura

  • Vatariri vematunhu nevakuru vari kunyaradza mhuri dzakawirwa nenjodzi iyi uye vari kuvabatsira nezvavanenge vachida

  • MaKomiti Ekubatsira Panoitika Njodzi matatu akagadzwa kuti atungamirire basa rekuyamura vanhu

  • Mabasa ese ekuyamura vanhu ari kuitwa pachitevedzerwa mirayiridzo ine chekuita nekuzvidzivirira pachirwere cheCOVID-19

Tinotarisira nguva yava pedyo kusvika iyo Jesu Kristu achadzora mamiriro ekunze panyika, zvoita kuti pave nekudzikama kukuru panyika uye vanhu vararame vasina chekutya.—Mateu 8:25-27.