Enda pane zvauri kuda

9 MARCH 2022
ECUADOR

Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki Yakabudiswa Mumapazi Emutauro weQuichua Anoti Chimborazo Uye Imbabura

Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki Yakabudiswa Mumapazi Emutauro weQuichua Anoti Chimborazo Uye Imbabura

Musi weMugovera 5 March 2022, Hama Alan Costa, avo vari muDare Rebazi rekuEcuador, vakabudisa Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki mumapazi maviri emutauro weQuichua anoti Chimborazo neImbabura. Mitauro miviri iyi yechiQuichua ndiyo inonyanya kutaurwa muEcuador. Mamwe maBhaibheri acho akaita zvekuprindwa uye mamwe akabudiswa ari epamafoni. Vaparidzi vaionera purogiramu yacho pamafoni kana makombiyuta.

Hofisi yeshanduro yeImbabura iri mumakomo eAndean. Hofisi yacho iri muOtavalo, makiromita 90 kuchamhembe kweguta guru rinonzi Quito

Vanhu vakawanda vanotaura chiQuichua vanogara mumakomo anonzi Andes zvekuti pavanogara pakakwirira nemamita anenge 2 700 kusvika 3 700. Vanhu vacho vakabatana chaizvo uye vanozivikanwa nerupo, kushanda nesimba uye kugashira vaenzi. Vakawanda vanotenda kuti kune Musiki uye vanoremekedza Bhaibheri.

Kuma1990, Zvapupu zvaJehovha zvaishandura mabhuku mumutauro unonzi Unified Quichua. Uyu musanganiswa wemapazi echiQuichua anotaurwa muEcuador. Asi paiva nevanhu vashoma vaigamuchira mashoko eUmambo mundima yemutauro wechiQuichua. Zvaiva pachena kuti hama dzaida mabhuku akashandurirwa mumapazi emutauro uyu kuti vanhu vagamuchire mashoko eUmambo.

Hofisi yeshanduro yeChimborazo iri muRiobamba, makiromita 208 kumaodzanyemba kweQuito

Vaya vakaita basa rekushandura maBhaibheri matsva aya echiQuichua vakabatsirwa nevaparidzi vanogara kwakasiyana-siyana munyika macho avo vakatanga vambonzwa kuti zvashandurwa zvacho zviri kunzwika sei zvisati zvazobudiswa kune veruzhinji. Mumwe mushanduri achitaura nezvekubatsirwa kwavakaitwa nevaparidzi ava kuti vashandure Bhaibheri rinonzwisiswa nevanhu vakasiyana-siyana vanotaura chiChimborazo akati, “Zvavaitaura zvakatibatsira kuti tishandise mashoko anonzwisiswa nevanhu vese.” Mumwe mushanduri wechiImbabura akati: “Jehovha airamba achitibatsira uye ndainyatsoona kuti anoda kuti munhu wese anzwisise zviri muShoko rake.”

MaBhaibheri emitauro miviri iyi achabatsira chaizvo hama nehanzvadzi dzinotaura chiQuichua pakushumira Mwari wedu Jehovha, “Muponesi wevanhu vese.”—1 Timoti 4:10.