23 MARCH 2022
EL SALVADOR
Zvapupu zvaJehovha zvemuEl Salvador Zvinopemberera Makore 50 Ekuzivikanwa Sesangano Repamutemo
Panosvika March 2022, Zvapupu zvemuEl Salvador zvinenge zvava nemakore 50, zvichizivikanwa sesangano repamutemo. Musi wa27 March 1972, hurumende yakapa Zvapupu zvaJehovha zvemuEl Salvador kodzero yekuita basa ravo zviri pamutemo uye kubva ipapo nhamba yevaparidzi yakatanga kuwedzera. Muna 1972 kwaiva nevaparidzi 2 524 uye muna 1976 kwakanga kwava nevaparidzi 5 632. Iye zvino, kwava nevaparidzi vanopfuura 38 000 vari muungano 662.
Mamishinari akasvika munyika iyi muna 1945 uye akashanda nesimba pabasa rekuparidza. Panguva iyoyo zvakanga zviri nyore kuti mamishinari awane mapemiti ekugara munyika yacho. Ungano dzakatangwa uye hofisi yebazi yakatanga kushanda muna May 1946.
Mutemo wakaiswa muna 1968, waisabvumira kuti mamishinari agare muEl Salvador kwemakore anodarika 5. Hama dzaitungamirira dzakaona kuti kana mamishinari akabuda munyika yacho zvaizokanganisa basa rekuparidza saka vakasarudza kunyoresa sangano redu zviri pamutemo.
Gore ra1971 rava kunopera, vakuru vanenge 30 vakakumbirwa kuuya kuhofisi yebazi kuti vazokurukura nyaya yacho. Pamusangano wacho, hama Baltasar Perla, Sr., avo vakazova mumwe wevaiva muDare Rebazi, vakakumbira vakuru vese vaivapo kuti vavape zvitupa zvavo. Vakabva vavaudza kuti mazita avo nekero dzekwavanogara zvaizonyorwa pachikumbiro chaizoendeswa kuhurumende chekunyoresa sangano redu zviri pamutemo.
Hama Juan Antonio Flores, vaivapo pamusangano uyu vakati: “Hama Perla, Sr. vakabva vatiudza kuti sezvo mazita edu nekero zvakanyorwa papepa racho, kana hurumende ikazoda kubhana basa redu, ndisu tichatanga kutsvagwa uye kusungwa.” Hama Perla, Sr. vakabva vatiudza kuti kana paine aitya aikwanisa hake kutora chitupa chake. Hapana munhu akatora chitupa chake. Zvinofadza kuti hurumende haina kumborambidza basa redu uye hapana akasungwa.
Urongwa hwacho hwakafamba zvakanaka uye gore rakatevera racho sangano redu rakanyoreswa zviri pamutemo seAssociation of Jehovah’s Witnesses. Kubva ipapo, mamishinari akanga ava kukwanisa kupiwa mapemiti anovabvumira kugara munyika yacho kwemakore akawanda. Uyewo, zvakanga zvava nyore kuti bazi ripinze mabhuku kubva kune dzimwe nyika uye hama dzitsanangure zvadzinotenda muzvikoro uye kuhurumende.
Musi wa26 April 1972, pepanhau rehurumende yeEl Salvador rakatsanangura chinangwa chesangano redu repamutemo. Rakati: “Kuparidza mashoko ari muBhaibheri uye mashoko akanaka eUmambo hwaMwari kuti zita, shoko uye ukuru hwaMwari wemasimbaose, Jehovha, zvizivikanwe.”
Kwemakore ese aya, Zvapupu zvaJehovha zviri muEl Salvador zviri kuramba zvichiita basa razvo rekuparidza nezvaJehovha.—Isaya 25:9.