Enda pane zvauri kuda

Hama Tesfazion Gebremichael vava nemakore 11 vakavharirwa mujeri kuEritrea

26 OCTOBER 2022
ERITREA

Sangano reUnited States Commission on International Religious Freedom Rakati Chapupu chaJehovha Chine Makore 80 Chinofanira Kubudiswa Mujeri

Sangano reUnited States Commission on International Religious Freedom Rakati Chapupu chaJehovha Chine Makore 80 Chinofanira Kubudiswa Mujeri

Sangano reUnited States Commission on International Religious Freedom (USCIRF) riri kunetseka nezvahama Tesfazion Gebremichael, avo vava nemakore 11 vakavharirwa mujeri. Pawebsite yeUSCIRF pakanyorwa kuti: “Tava kunetseka nekugara mujeri kuri kuita Gebremichael uyo ane makore anopfuura 80 kana tikafunga nezveutano hwake.” Musi wa7 October 2022, Commissioner Frederick Davie of USCIRF vakati hama Gebremichael vanofanira kubudiswa mujeri.

Mapurisa akasunga Hama Gebremichael musi wa20 July 2011, pavaikurukura nevamwe zvavanotenda. Kunyange zvazvo vakaberekerwa muEritrea, havachisiri chizvarwa cheEritrea nekuti muna 1994 hurumende yakaisa mutemo wekuti Zvapupu zvese zviri muEritrea hazvisisiri zvizvarwa zvemo.

Hama Gebremichael vakava mumwe weZvapupu zvaJehovha muna January 1971. Vanhu vekwavanogara vanovaziva semunhu ane rudo, ane mutsa uye anoda mhuri yake. Vakachata nemudzimai wavo, Lemlem muna 1974. Mudzimai wavo mumwe weZvapupu zvaJehovha. Vane vana 4 nevazukuru 5.

Hanzvadzi Gebremichael vakati: “Kunyange zvazvo ndichinetseka nezveutano hwemurume wangu uye ndichimusuwa, ndinoziva kuti Jehovha achamuchengeta. Ndinoyemura kuvimbika uye kutsunga kwaakaita kuramba akaperera kuna Jehovha. Kufungisisa mashoko ari pana Muparidzi 10:4 kunondibatsira kuti ndirambe ndakadzikama panguva yatiri kusangana nematambudziko aya.”

Eritrea yakatanga kunyatsotambudza Zvapupu zvaJehovha muna 1991. Zvapupu 32 zvakabudiswa mujeri mumwedzi mitatu kubva muna December 2020 kusvika muna February 2021 asi vamwe 20 vachiri vakavharirwa uye hazvizivikanwi kuti vachabudiswa riini. Zvinoita sekuti hama nehanzvadzi dzedu dzakatongerwa rufu nekuti muEritrea hamuna mutemo kana zvimwe zvinogona kuitwa kuti hama nehanzvadzi dzedu dzisunungurwe.

Masangano makuru anoona nezvekodzero dzevanhu pasi rese akataura kakawanda kuti Eritrea yakatyora kodzero dzevanhu uye vakaudza hurumende yacho kuti igadzirise zvayakakanganisa. Muna 2016, Sangano reUN Commission of Inquiry on Human Rights in Eritrea rakati hurumende yeEritrea iri kutyora kodzero dzevanhu nekutambudza kwavari kuita Zvapupu zvaJehovha nevamwewo vanhu.

Kusungwa kwakaitwa hama Gebremichael kunonyatsoratidza kuti hurumende yeEritrea yakavenga Zvapupu. Kubva muna 2011, Zvapupu 4 zvakafira mujeri uye vamwe 3 vakanga vakwegura vakafa pashure pekunge vabudiswa mujeri, umo mavakanga vachirarama upenyu hunorwadza.

Hurumende yeEritrea iri kuramba kukurukura neZvapupu zvaJehovha nezvenyaya iyi.

Tinonyengeterera hama nehanzvadzi dzedu dzakasungwa. Tine chokwadi chekuti Jehovha acharamba achivatsigira.—VaHebheru 13:3.