Enda pane zvauri kuda

Mvura yakazara mumugwagwa muguta reLéogâne, muHaiti. Pamusoro: Mukuru wemuungano ari kubvisa matope mumugwagwa uri pedyo nepamba peimwe hanzvadzi. Pasi: Hama dziri kuchenesa pamba peimwe hanzvadzi

15 JUNE 2023
HAITI

Dutu Rine Simba Rinoparadza Zvinhu muHaiti

Dutu Rine Simba Rinoparadza Zvinhu muHaiti

Musi wa2 na3 June 2023, munyika yeHaiti makaita mafashamo akakonzerwa nedutu rine simba. Mishumo inoratidza kuti makumi ezviuru zvedzimba akazara mvura, uye izvi zvakakanganisa upenyu hwemhuri dzinenge 40 000. Vanhu vanopfuura 13 500 vakasara vasisina pekugara uye vanopfuura 50 vakafa.

Zvakaitika Kuhama Nehanzvadzi Dzedu

  • Hapana hama kana hanzvadzi yedu yakafa

  • Hama imwe chete uye hanzvadzi imwe chete vakakuvara

  • Vaparidzi 60 vakasara vasisina pekugara

  • Imba imwe chete yakaparadzwa

  • Dzimba nhatu dzakakanganisika zvakanyanya

  • Dzimba 19 dzakakanganisika, asi kwete zvakanyanya

  • Hapana Imba yeUmambo kana zvivakwa zvekunamata zvakakanganisika

Mabasa Ekuyamura

  • Vatariri vematunhu nevakuru vemunzvimbo yacho vari kukurudzira vakawirwa nenjodzi uye vari kuvabatsira kuti vawane zvekurarama nazvo

  • Ungano dzemunharaunda dziri kubatsirawo pamabasa ekuyamura

Tine chokwadi chekuti ‘Jehovha achapa simba’ hama nehanzvadzi dzakawirwa nedutu iri muHaiti.—Pisarema 29:11.