6 JUNE 2022
INDONESIA
Bhuku raMateu neraMako Akabudiswa Mumutauro Wemasaini wekuIndonesia
Musi wa29 May 2022, hama Daniel Purnomo, avo vari muDare Rebazi rekuIndonesia, vakabudisa bhuku raMateu neraMako muMutauro Wemasaini wekuIndonesia. Mabhuku aya eBhaibheri epafoni akabudiswa papurogiramu yakarekodhwa ichibva yazotepfenyurwa kuvanhu vanenge 2 127.
Ungano yeZvapupu zvaJehovha yekutanga yemutauro wemasaini wekuIndonesia yakatangwa musi wa14 September 2007, muguta reJambi, kuSumatra. Muna 2011, Zvapupu zvaJehovha zvakashandura zvinyorwa zvitatu muMutauro Wemasaini wekuIndonesia zvinoti: Ungada Kuziva Chokwadi Here?, Teerera Mwari Urarame Nokusingaperi, uye Unogona Kuva Shamwari yaMwari! Muna 2011, dunhu rekutanga remutauro wemasaini rakatangwa uye raiva rakakura anenge makiromita 3 000. Muna 2015 pakabva pava nehofisi yeshanduro yemutauro Wemasaini wekuIndonesia nemhaka yekuti pakanga pava kudiwa mabhuku akawanda emutauro wacho. Iye zvino, kuIndonesia kwava neungano 12 dzemutauro wemasaini uye mapoka 28.
Bhuku raMateu neraMako ndiwo mabhuku eBhaibheri ekutanga kushandurirwa mumutauro Wemasaini wekuIndonesia. Pavaipa hurukuro yavo, hama Purnomo vakati: “Mashandurirwo akaitwa mabhuku aya eBhaibheri akanaka chaizvo. Mafambisiro anenge achiita munhu maoko ake uye zvaanenge achiita chiso zvinonyatsobatsira kuti unyatsodzidza kubva kuvanhu vanotaurwa muBhaibheri.”
Mumwe wevashanduri akati: “Shanduro iyi ichandibatsira kuti ndidzidze zvakawanda nezvaJesu, uye ndinonzwa sekuti ndiri kutaura naye tiri pedu tega.”
Dai shanduro iyi ikabatsira vese vanoshandisa Mutauro Wemasaini wekuIndonesia kuti varambe vachiona Shoko raMwari ‘serambi retsoka dzavo uye chiedza panzira dzavo.’—Pisarema 119:105.