24 MAY 2023
ITALY
Mafashamo Akaparadza Zvinhu Kuchamhembe kweItaly
Mvura ine simba yakanaya ikakonzera mafashamo munharaunda yeEmilia-Romagna iri kuchamhembe kweItaly. Kutanga musi wa15 May 2023, kwakanaya mvura yakawanda zvisingaiti mumazuva maviri. Mafashamo aya akaparadza zvinhu mumataundi anopfuura 40. Vanhu vanenge 14 vakafa uye zviuru zvevanhu zvakasiya misha yazvo.
Zvakaitika Kuhama Nehanzvadzi Dzedu
Hapana hama kana hanzvadzi yedu yakakuvara kana kufa
Vaparidzi 342 nemhuri dzavo vaitofanira kusiya misha yavo
Dzimba 167 dzakazara mvura, zvikaita kuti 72 dzacho dzikanganisike zvakanyanya
Imba yeUmambo imwe chete yakakanganisika zvakanyanya
Dzimba dzeUmambo 3 dzakakanganisika, asi kwete zvakanyanya
Mabasa Ekuyamura
Vatariri vematunhu nevakuru vemunzvimbo yacho vari kukurudzira vakawirwa nenjodzi uye vari kuvabatsira kuti vawane zvekurarama nazvo
Pakaumbwa Komiti Yekubatsira Panoitika Njodzi kuti itungamirire basa rekuyamura
Tinotarisira nguva yekuti hapana anenge ava kurarama achitya njodzi dzinongoitika dzega nekuti “tende raMwari [richava] pakati pevanhu.”—Zvakazarurwa 21:3, 4.