Enda pane zvauri kuda

Nzvimbo yekupaka motokari yemunharaunda yeEmilia-Romagna muItaly yakazara mvura. Kamufananidzo kadiki: Hama iri kubvisa madhaka mumugwagwa wakaparadzwa nemafashamo

24 MAY 2023
ITALY

Mafashamo Akaparadza Zvinhu Kuchamhembe kweItaly

Mafashamo Akaparadza Zvinhu Kuchamhembe kweItaly

Mvura ine simba yakanaya ikakonzera mafashamo munharaunda yeEmilia-Romagna iri kuchamhembe kweItaly. Kutanga musi wa15 May 2023, kwakanaya mvura yakawanda zvisingaiti mumazuva maviri. Mafashamo aya akaparadza zvinhu mumataundi anopfuura 40. Vanhu vanenge 14 vakafa uye zviuru zvevanhu zvakasiya misha yazvo.

Zvakaitika Kuhama Nehanzvadzi Dzedu

  • Hapana hama kana hanzvadzi yedu yakakuvara kana kufa

  • Vaparidzi 342 nemhuri dzavo vaitofanira kusiya misha yavo

  • Dzimba 167 dzakazara mvura, zvikaita kuti 72 dzacho dzikanganisike zvakanyanya

  • Imba yeUmambo imwe chete yakakanganisika zvakanyanya

  • Dzimba dzeUmambo 3 dzakakanganisika, asi kwete zvakanyanya

Mabasa Ekuyamura

  • Vatariri vematunhu nevakuru vemunzvimbo yacho vari kukurudzira vakawirwa nenjodzi uye vari kuvabatsira kuti vawane zvekurarama nazvo

  • Pakaumbwa Komiti Yekubatsira Panoitika Njodzi kuti itungamirire basa rekuyamura

Tinotarisira nguva yekuti hapana anenge ava kurarama achitya njodzi dzinongoitika dzega nekuti “tende raMwari [richava] pakati pevanhu.”—Zvakazarurwa 21:3, 4.