Enda pane zvauri kuda

Mufananidzo wegwaro rakabudiswa neBazi Rinoona Nezvedzidzo rekuKenya

7 JUNE 2022
KENYA

Hurumende yekuKenya Yakabudisa Gwaro Rinodzivirira Kodzero Dzevana Vechikoro

Hurumende yekuKenya Yakabudisa Gwaro Rinodzivirira Kodzero Dzevana Vechikoro

Munguva pfupi ichangopfuura, Bazi Rehurumende Rinoona Nezvedzidzo rekuKenya rakabudisa gwaro rinokurudzira vakuru vezvikoro kuti varemekedze kodzero dzevana vechikoro panyaya dzezvitendero. Gwaro iri rakabudiswa musi wa4 March 2022. Tinovimba kuti zvakaitwa nehurumende zvichabatsira vana veZvapupu vanga vava nemakore akawanda vachisarurwa nemhaka yezvavanotenda.

Kubvira muna 2015, vana 36 veZvapupu zvaJehovha vakadzingwa chikoro kana kuti vakamborambidzwa kuuya kuchikoro nekuti vairamba kuita zvinhu zvechitendero zvavainzi vaite kuchikoro. Muna 2018, vamiririri vakabva kuhofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha iri muNairobi vakaonana nevakuru vakuru vedzidzo vachikumbira kubatsirwa panyaya iyi. Musi wa23 October 2018, vakaonana neakanga ari munyori mubazi redzidzo, Dr. Amina Mohamed.

Gwaro iri rakabva kuhurumende rakataura kuti “zvimwe zvikoro zviri kurambidza vana kuuya kuchikoro nezvikonzero zvisina kana musoro.” Rakatiwo “pane zvimwe, . . . zvikoro zvisiri kuremekedza kodzero dzevadzidzi panyaya dzezvitendero uye zvinoramba kupa vadzidzi nzvimbo kana kutovadzinga chikoro nemhaka bedzi yechitendero chavanopinda.”

Vezvenhau muKenya vakataura kuti gwaro iri rinoratidza kuti “kusaremekedza kodzero dzemunhu panyaya yezvitendero kutori kutyora mitemo yakasiyana-siyana yemunyika, kutyora zvibvumirano zvakaitwa nenyika dziri mudunhu redu nedziri pasi rese, . . . uyewo kutori kutyora Bumbiro reMutemo weKenya.” Saka vana veZvapupu havafaniri kumanikidzwa kuti “vaite chimwe chinhu chinopesana nechitendero chavo.” Gwaro iri rakapedzisa nekurayira kuti vakuru vezvikoro vese vaite zvakanyorwa imomo.

Kimberly Nyang’ate, hanzvadzi ine makore 17 inogara kuNairobi, yakati: “Vabereki vangu vakashevedzwa kuchikoro kanopfuura ka5 nemhaka yekuti ndinoramba kuita zvinhu zvechitendero zvatinonzi tiite kuchikoro. Ndinofara chaizvo kuti pava negwaro iri rinodzivirira kodzero dzedu dzekuita zvinotaurwa muBhaibheri.”

Tinotenda zvikuru kuti vakuru vakuru vanonzwisisa vakabudisa gwaro iri, iro richabatsira vana vedu vanoenda kuchikoro muKenya kuti varambe vakabatisisa zvavanotenda.—1 VaKorinde 15:58.