Enda pane zvauri kuda

Hofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha muBishkek, kuKyrgyzstan

23 DECEMBER 2021
KYRGYZSTAN

Sangano reHuman Rights Committee Rinoti Nyika yeKyrgyzstan Yakatyora Kodzero dzeZvapupu zvaJehovha

Sangano reHuman Rights Committee Rinoti Nyika yeKyrgyzstan Yakatyora Kodzero dzeZvapupu zvaJehovha

Vanhu 15 vari muUnited Nations Human Rights Committee (CCPR) vakabvumirana kuti nyika yeKyrgyzstan yakatyora kodzero dzeZvapupu zvaJehovha dzekunamata mumaguta matatu ari munyika iyi. Gwaro rine mapeji 7 rakanyorwa neCCPR rakati Kyrgyzstan inofanira “kubhadhara” Zvapupu uye “kuita zvese zvinodiwa kuti zvakaitika zvisadzokororwe.” Aka kava kechipiri CCPR ichiti Kyrgyzstan iri kutyora kodzero dzeZvapupu zvaJehovha.

Boka rekutanga reZvapupu zvaJehovha rakanyoreswa zviri pamutemo mune rimwe guta muna 1993, uye Zvapupu zvakanyoreswa zviri pamutemo munyika iyi muna 1998. Kwemakumi emakore Zvapupu zvaJehovha zvanga zvichinamata zvakasununguka munyika yacho yese. Asi pava nemakore anopfuura 10, State Committee on Religious Affairs (SCRA) ichiramba kunyoresa mamwe mapoka matatu eZvapupu zvaJehovha ari nechekumaodzanyemba kweKyrgyzstan munzvimbo dzinoti Osh, Naryn, neJalal-Abad. Hama dzemunzvimbo idzi dzakaedza dzaedzazve kukumbira mvumo zvichiramba. Kunyimwa mvumo kwavari kuitwa neSCRA kuri kuita kuti hama nehanzvadzi munzvimbo idzi dzitadze kunamata dzakasununguka, kuita misangano nemagungano uye kuva nenzvimbo dzekunamatira. Saka komiti yeCCPR yakaona kuti Kyrgyzstan iri kusarura Zvapupu zvaJehovha zvinogara munzvimbo idzi nhatu nemhaka yezvavanotenda.

Komiti yeCCPR inotarisira kuti hurumende yeKyrgyzstan iite “zvese zvinodiwa kuti zvakaitika zvisadzokororwe.” Kyrgyzstan yakapiwa mazuva 180 kuti iudze komiti yeCCPR kuti zvii zvayaita pakugadzirisa zvayakakanganisa.

Hatizivi kuti hurumende yeKyrgyzstan ichateerera here zvayakaudzwa neCCPR yobvumira hama nehanzvadzi dzedu dziri munzvimbo idzi nhatu kunamata dzakasununguka. Asi, sangano rinotsigira kodzero dzevanhu rinonzi Forum 18 riri kuongorora zviri kuitika kuKyrgyzstan uye rakataura kuti SCRA yakamboudzwa zvinhu zvimwe chete izvi “muna 2019 neSangano Remubatanidzwa Wenyika Dzepasi Rese, (UN) asi havana kuteerera.

Pasinei nekuti Kyrgyzstan ichateerera zvakataurwa neUN here kana kuti kwete, tine chokwadi chekuti Jehovha ari kuona zviri kusangana nehama nehanzvadzi dzedu munyika iyi. (Pisarema 37:18) Baba vedu vari kudenga vane rudo vacharamba vachivakomborera nemhaka yekuvimbika kwavo uye ushingi hwavari kuratidza.—Pisarema 37:28.