Enda pane zvauri kuda

24 MAY 2023
LATVIA

Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva rechiLatvian Rinoshambadzirwa paBook Fair muRiga

Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva rechiLatvian Rinoshambadzirwa paBook Fair muRiga

Vanhu vanopfuura 21 000 vakauya kuzoona mabhuku airatidzwa paBook Fair yakaitwa muRiga iri kuLatvia muna March 2023. Aka kaiva kechi7 hama nehanzvadzi dzedu dzichibatanidzwa pachiitiko ichi uye kaiva kekutanga kubva pakatanga chirwere cheCOVID-19. Vaifara chaizvo kuratidza vanhu Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva rechiLatvian rakabudiswa muna 2020.

Hama dzakaita kuti panzvimbo yavaiva vakaisa mabhuku pave nezita raMwari rekuti Jehovha kuitira kuti vanhu varizive. Vanhu vainge vashanya vakashamisika pavakaona kuti zita rekuti Jehovha rakashandiswa mushanduro yekutanga yeBhaibheri yechiLatvian, yakabudiswa muna 1689. Vakashamisikawo pavakaona kuti Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva rakadzorera zita raMwari paraimbova, panzvimbo dzinopfuura 7 000 muBhaibheri.

Vamwe vanhu vakafarirawo zvakaita Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva. Mumwe murume anoshanda kukambani inobudisa mabhuku akataura kuti Bhaibheri redu rakagadzirwa zvakanaka uye rakagadzirwa nezvinhu zvemhando yepamusoro. Akataurawo kuti zviri pachena kuti Bhaibheri iri rakagadzirirwa kuti rishandiswe zuva nezuva.

Mumwe munhu akatora Bhaibheri racho akataura kuti akabayiwa mwoyo nemutauro wemazuva ano uri nyore kunzwisisa wakashandiswa muBhaibheri reShanduro yeNyika Itsva. Akataura kuti paakamboedza kuverenga Bhaibheri, akagumira panzira nekuti dzimwe shanduro dzakanga dzakaoma kunzwisisa. Iye zvino ari kutarisira kuverenga Shanduro yeNyika Itsva nemwanasikana wake. Pakazopera Book Fair iyi yakaitwa kwemazuva matatu, maBhaibheri eShanduro yeNyika Itsva yechiLatvian anopfuura 130 akanga apiwa vanhu.

Hama nehanzvadzi dzedu dzakamira panzvimbo yavairatidzira vanhu maBhaibheri paBook Fair yakaitirwa muLatvia

Zvapupu zvaiva pabook fair yacho zvakafara kubatsira vamwe kuziva zvakawanda nezveBhaibheri neMunyori waro. Imwe hanzvadzi yakataura ichifara kuti: “Handisati ndambobatsira vanhu vakawanda kudaro kuziva zita raJehovha mumazuva mashoma kudaro!”

Iye zvino, muLatvia mune vaparidzi vanopfuura 2 100. Tinofara kuti vaparidzi vemuLatvia nevamwe vanoda kunzwa Shoko raMwari, vari kubatsirwa neshanduro iyi yemazuva ano uye vari kuswedera pedyo naJehovha.—Jakobho 1:17.