Enda pane zvauri kuda

Hama Stanislav Teliatnikov vanogara kuLithuania

15 JUNE 2022
LITHUANIA

Dare reEuropean Court of Human Rights Rati Nyika yeLithuania Ine Mhosva Nekuramba Kwayakaita Kupa Hama Stanislav Teliatnikov Rimwe Basa Risiri Rechiuto

Dare reEuropean Court of Human Rights Rati Nyika yeLithuania Ine Mhosva Nekuramba Kwayakaita Kupa Hama Stanislav Teliatnikov Rimwe Basa Risiri Rechiuto

Musi wa7 June, 2022, vese vari mudare reEuropean Court of Human Rights (ECHR) vakabvumirana kuti nyika yeLithuania ine mhosva panyaya yahama Stanislav Teliatnikov, avo vakaramba kupinda muchiuto nemhaka yezvavanotenda. Dare reECHR rakataura kuti kuramba kupinda muchiuto nekuda kwezvaunotenda kunotsigirwa neArticle 9 yeEuropean Convention on Human Rights iyo inotaura nezverusununguko rwekusarudza zvaunoda uye chitendero chaunoda kupinda. Saka Lithuania yakawanikwa iine mhosva uye yakanzi ibhadhare hama Stanislav mari inosvika US$3 196.

Nyika dzakawanda dziri muCouncil of Europe dzine urongwa hwekuti munhu anogona kuita rimwe basa kana asingakwanisi kuita basa rechiuto. Paakanzi aite basa rechiuto, Stanislav akakumbira kuti apiwe rimwe basa maererano nezvinotaurwa neCouncil of Europe. Asi muLithuania hamuna urongwa hwakadaro. Dare reECHR parakapa mutongo waro kunyika yeLithuania, uye panyaya dzakafanana naiyoyo dzekuArmenia, Azerbaijan neTurkey, rakataurazve kuti nyika dzese dziri muCouncil of Europe dzinofanira kubvumira munhu kuti aite rimwe basa risiri rechiuto kwete kumuranga kana kumubata zvakasiyana nevamwe.

Armenia yakatotanga urongwa hwekuti munhu akwanise kuita rimwe basa risiri rechiuto. Vakomana vechidiki vanoramba kuita basa rechiuto nekuda kwezvavanotenda vanogona kuita rimwe basa rinobatsira veruzhinji.

Tinovimba kuti Lithuania ichateererawo zvakataurwa nedare reECHR kuti vaite urongwa hwekuti pave nerimwe basa risiri rechiuto. Pari zvino, tinoziva kuti Jehovha acharamba achitungamirira nekutsigira hama dzedu dziri muLithuania.—Mariro 3:25.