2 FEBRUARY 2022
MADAGASCAR
Mvura Yakawanda Yakanaya Yakakonzera Mafashamo kuMadagascar
Muna January 2022, mvura yakawanda yakanaya kuMadagascar yakakonzera mafashamo, kukukurwa kwevhu nematombo mumakomo, uye kudonha kwezvivakwa muguta guru renyika iyi rinonzi Antananarivo. Mvura yacho iri kutarisirwa kuti icharamba ichinaya.
Zvakaitika kuHama Nehanzvadzi Dzedu
Hapana hama kana hanzvadzi yedu yakakuvara kana kufa
Vaparidzi vanopfuura 693 vaitofanira kusiya misha yavo
Hapana Imba yeUmambo yakaparadzwa
Mabasa Ekuyamura
Dare reBazi rakagadza Komiti Inobatsira Panoitika Njodzi kuti ione nezvebasa rekuyamura pachitevedzerwa mitemo yekuzvidzivirira paCOVID-19
Komiti Inobatsira Panoitika Njodzi, vatariri vematunhu, uye vakuru vari kubatsira hama dzedu kuti dzirambe dziri pedyo naJehovha uye vari kuvapa zvavanoda pakurarama. Semuenzaniso, vari kuvatsvagira pekumbofanogara, uye vari kuvapa zvekudya nezvimwewo zvinodiwa kuti vararame.
Tine chokwadi chekuti Jehovha acharamba ari “nzvimbo yakasimba” kuhama dzedu panguva iyi yakaoma.—Pisarema 31:2.