9 JUNE 2022
MALAYSIA
Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki Yakabudiswa Mumutauro weIban
Musi wa5 June 2022, Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki yakabudiswa mumutauro weIban. Hama nehanzvadzi dzakawanda dzakaungana paDzimba dzeUmambo kuti vaone purogiramu yacho, iyo yakanga yagara yakarekodhwa. Vamwe vaparidzi vakaona purogiramu yacho ichitepfenyurwa pamavhidhiyo. MaBhaibheri akaprindwa achange ava kuwanika muna July kana kuti muna August 2022.
Pavaishandura Bhaibheri iri, vashanduri vaifanira kufunga nezvekusiyana kwemataurirwo anoitwa mutauro uyu munzvimbo dzakasiyana-siyana. Vanhu vanobva munzvimbo dzakasiyana-siyana dzinotaurwa mutauro uyu vakasarudzwa kuti vaverenge Bhaibheri racho kuitira kuti vabatsire vashanduri kusarudza mashoko anonzwisiswa nevanhu vakawanda vanotaura chiIban.
Shanduro iyi ichabatsirawo vaparidzi kutsanangura chokwadi cheBhaibheri zvakarurama pavanenge vari muushumiri. Semuenzaniso, kare zvakanga zvakaoma kuti vaparidzi vatsanangure Johani 4:24, iyo inoti: Vaya vanonamata Mwari “vanofanira kunamata mumweya nemuchokwadi.” Dzimwe shanduro dzechiIban dzakashandura zvisiri izvo shoko rekuti “mweya.” Dzinoshandisa shoko rinoreva kuti “mudzimu wemunhu akafa.” Izvi zvaiita kuti vanhu vanofarira vaomerwe nekunzwisisa kuti vanofanira kunamata sei Mwari.
Achitaura nezvekukosha kweshanduro iyi, mumwe mushanduri akati: “Kuva neShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki mumutauro wedu kunonyatsoratidza kuti Jehovha anoda chaizvo vanhu vese.”
Tinonyengetera kuti dai Bhaibheri iri rikabatsira vanhu vakawanda vanotaura chiIban kuti vawedzere kunzwisisa Bhaibheri, vaswedere pedyo naMwari, uye varumbidze zita raJehovha.—Pisarema 117:1.