Enda pane zvauri kuda

10 JUNE 2022
MEXICO

Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki Yakabudiswa Mumutauro weNahuatl (Northern Puebla)

Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki Yakabudiswa Mumutauro weNahuatl (Northern Puebla)

Musi wa5 June 2022, Hama Edward Bunn, vari muDare Rebazi rekuCentral America vakabudisa Bhaibheri repafoni uye rakaprindwa reShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki mumutauro weNahuatl (Northern Puebla). Vanhu vanopfuura 1 500 vakaona purogiramu yacho, iyo yakanga yagara yarekodhwa ichibva yazotepfenyurwa.

Vanhu vakawanda vanotaura chiNahuatl (Northern Puebla) vanogara kuPuebla uye Veracruz muMexico. Ungano dzekutanga dzemutauro wechiNahuatl (Northern Puebla) dzakatangwa muna 2002. Vaparidzi vari mundima yemutauro uyu vaishandisa shanduro yeBhaibheri yakatsiva zita raJehovha nemazita ekuremekedza akadai seekuti Ishe kana kuti Mwari.

Muhurukuro yavo, Hama Bunn vakati: “Tinokukurudzirai kuti mubve matotanga kuverenga shanduro iyi yeMagwaro echiKristu echiGiriki. Muchange muine chokwadi chekuti inonyatsobudisa shoko raMwari zvakarurama mumutauro wenyu.”

Tine chokwadi chekuti shanduro iyi ichasimbisa hama nehanzvadzi dzedu dzinotaura chiNahuatl (Northern Puebla) uye kuti ichavabatsira pakuparidza mashoko akanaka eUmambo hwaMwari.—Mako 13:10.