Enda pane zvauri kuda

22 JUNE 2023
MOZAMBIQUE

Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva Rakabudiswa Mumutauro weChangana (Mozambique)

Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva Rakabudiswa Mumutauro weChangana (Mozambique)

Musi wa18 June 2023, Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva rakabudiswa mumutauro weChangana (Mozambique). Hama Charles Fonseca, vari muDare Rebazi rekuMozambique, vakabudisa Bhaibheri iri muguta guru reMozambique rinonzi Maputo. Paiva nevanhu 16 245 uye vese vakapiwa maBhaibheri akaprindwa. Bhaibheri repafoni rava kukwanisawo kudhaunirodhwa.

Mutauro weChangana (Mozambique) unotaurwa nevanhu vanoda kusvika 4,2 miriyoni kunyanya kunharaunda dziri nechekumaodzanyemba kweMozambique dzinoti Maputo neGaza. Sezvo vanhu vanotaura mutauro weChangana (Mozambique) vachishandisa mashoko akasiyana-siyana zvichienderana nekwavanogara, vashanduri vakasarudza mashoko anogona kunzwisiswa nevakawanda vanotaura mutauro uyu pasinei nekwavanogara.

Bhaibheri iri risati rabudiswa, vaparidzi vakawanda veChangana (Mozambique) vaishandisa Bhaibheri reTsonga, mutauro wakada kufanana neChangana (Mozambique). Izvi zvaiita kuti vamwe vaomerwe nekudzidza Bhaibheri. Mumwe mushanduri akati: “Sezvo tava neshanduro iyi itsva, mashoko ari muBhaibheri ava kunyatsosvika pamwoyo yevanhu vanotaura Changana (Mozambique).”

Mumwewo mushanduri akataura muenzaniso unoratidza kuti Shanduro yeNyika Itsva iyi yeChangana (Mozambique) inonyatsonzwisisika. Akati: “Mune dzimwe shanduro dzeBhaibheri dzemitauro inotaurwa munharaunda iyoyo, vashanduri pavaishandura shoko rekuti ‘mweya’ vakashandisa mashoko anogona kuita kuti vanhu vafunge kuti mweya zvinoreva munhu anosara achirarama nyama painofa. Asi Shanduro yeNyika Itsva yeChangana (Mozambique) inonyatsotaura zvakarurama kuti ‘simba reupenyu’ ndiro rinodzokera kuMusiki, kwete munhu pachake.”

Tinofara kuti Jehovha ari ‘kutuma chiedza chake nechokwadi chake’ nekuita kuti Shoko rake rinyatsonzwisisika kuvanhu vanotaura mutauro weChangana (Mozambique).—Pisarema 43:3.