Enda pane zvauri kuda

6 OCTOBER 2022
MOZAMBIQUE

Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva Rakabudiswa Mumutauro wechiSena

Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva Rakabudiswa Mumutauro wechiSena

Musi wa2 October 2022, hama David Amorim, avo vari muDare Rebazi rekuMozambique, vakabudisa Shanduro yeNyika Itsva mumutauro wechiSena. a Bhaibheri iri rakabudiswa papurogiramu yanga yagara yakarekodhwa kare uye vaparidzi vakawanda vakaionera paDzimba dzavo dzeUmambo. Purogiramu yacho yakatepfenyurwawo panhepfenyuro huru yeTV yemunyika yacho uyewo panhepfenyuro 14 dzeredhiyo.

Mutauro wechiSena unotaurwa mumatunhu 4 ekuMozambique anoti: Manica, Sofala, Tete, uye Zambezia. ChiSena chinotaurwawo mune dzimwe nharaunda dziri muMalawi.

Hofisi yekushandura yechiSena, muBeira kuMozambique

Aka ndiko kekutanga kuti Zvapupu zvaJehovha zvibudise Bhaibheri rakazara reShanduro yeNyika Itsva mumutauro wevanhu vemuMozambique. Bhaibheri iri risati rabudiswa, muMozambique maiva nezvikamu zveBhaibheri rechiSena asi zvinodhura uye zvinoshandisa mashoko ekare asinganzwisiswe nevanhu.

Tinofara chaizvo kuti hama nehanzvadzi dzedu dzinotaura chiSena dzakawana chipo ichi chinobva kuna Jehovha.—Zvirevo 10:22.

a Bhaibheri racho rakaprindwa uye rinowanikawo pafoni.