Enda pane zvauri kuda

24 JUNE 2022
MOZAMBIQUE

Magwaro echiKristu echiGiriki Akabudiswa Mumutauro weLomwe

Magwaro echiKristu echiGiriki Akabudiswa Mumutauro weLomwe

Musi wa19 June 2022, hama Patrick Hecker, nhengo yeDare Rebazi rekuMozambique, vakabudisa Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki mumutauro weLomwe. Bhaibheri racho rakabudiswa papurogiramu yakanga yagara yakarekodhwa. Vaparidzi vakawanda veungano dzemutauro weLomwe vakapindira purogiramu yacho paDzimba dzeUmambo, uye mumwe nemumwe aivapo akapiwa Bhaibheri rakaprindwa.

MaBhaibheri emutauro weLomwe akatanga kuwanikwa kubvira muna 1930, asi anodhura uye anoshandisa mutauro wakaoma kunzwisisa. Mashandurirwo akaitwa mamwe mashoko mumaBhaibheri acho haanawo kururama. Semuenzaniso, pana Ruka 23:43 anoti: “Chokwadi, ndinokuudza nhasi, uchava neni kudenga.” Asi Shanduro yeNyika Itsva inotaura zvakarurama ichiti: “Chokwadi ndinokuudza nhasi, uchava neni muParadhiso.”

Vaparidzi veungano yeMugeba vakabata maBhaibheri avo

Mumwe wevashanduri akati: “Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki yemutauro weLomwe yakajeka uye iri nyore kuverenga. Zviri pachena kuti hama dzichanzwisisa zviri nyore zvinotaurwa nemagwaro uye zvichaita kuti vanzwe vachida kushandisa zvavanenge vachidzidza.”

Tine chokwadi chekuti Bhaibheri iri richabatsira hama dzedu kuti dzirambe dzichiswedera pedyo naJehovha uye kuti vabatsire vanhu vavanosangana navo muushumiri.—Mateu 5:3.