Enda pane zvauri kuda

Nechepamusoro: Bheteri remuAmsterdam muna 1964. Nechepazasi: Hama nehanzvadzi dzepaBheteri kuma1950 nekuma1960

7 OCTOBER 2022
NETHERLANDS

Makore 100 Zvapupu Zvichikunda muNetherlands

Makore 100 Zvapupu Zvichikunda muNetherlands

Pava nemakore 100 kubva pakavhurwa hofisi yebazi muguta guru reNetherlands rinonzi Amsterdam. Munguva yese iyi, hama nehanzvadzi dzedu dzakaratidza ushingi uye kutenda kwakasimba.

Mashoko akanaka akasvika muNetherlands kuma1900, mumwe murume wechidiki ainzi Heinrich Brinkhoff paakatanga kuverenga mabhuku aibudiswa neWatch Tower Society uye neInternational Bible Students Association. Akabva atanga kuudzawo vamwe zvaaiverenga. Mbeu iyoyo yechokwadi yaaidyara yakabva yatanga kukura. Muna 1920, Hama Joseph F. Rutherford vakashanya kuEurope uye vakavhura hofisi yebazi muSwitzerland. Hofisi iyoyo yaionawo nezvebasa raiitwa muNetherlands. Muna 1921, Hama Rutherford vakagadza hama Adriaan Block kuti vatungamirire basa raiitwa muNetherlands. Muna 1922, hofisi yebazi yakavhurwa muAmsterdam.

Sezvo kwakanga kwava nehofisi yebazi, basa rekuparidza rakabva rawedzera kurongeka. Nhamba yevashumiri vaJehovha yakaramba ichiwedzera. Nguva pfupi Hondo Yenyika Yechipiri isati yatanga, muNetherlands maiva nevaparidzi vanenge 500.

Pakatanga hondo, Netherlands yakatorwa nehurumende yevaNazi. Vakabva vatanga kutambudza Zvapupu zvaJehovha uye mamwewo mapoka evanhu. Panguva iyoyo, Zvapupu zvaJehovha 300 zvechiDutch zvakabudiswa muNetherlands uye vakawanda vavo vakaendeswa kumisasa yevasungwa. Hama dzedu dzinosvika 130 dzakafa nemhaka yekurwara uye kuomerwa neupenyu. Asi pasinei nekutambudzwa ikoko, pakazopera hondo muna 1945 nhamba yeZvapupu zvaiva muNetherlands yakanga yawedzera kusvika pa3 125.

Asi kunyange hondo payakapera, vakaramba vachingopikiswa. Chechi yeRoma yaipikisa chaizvo Zvapupu, kunyanya munzvimbo dziri kumaodzanyemba kwenyika yacho. Semuenzaniso, muna 1952, Chechi yeRoma yakatomboedza kumisa gungano raiitwa muguta reVenlo. Izvi zvakaita kuti varidzi venzvimbo yavaida kuitira gungano vavarambidze kuishandisa kunyange vakanga vatoibhadhara. Asi hama dzedu hadzina kudzoka shure. Dzakabva dzadzika tende pane imwe nzvimbo dzikaitira gungano ipapo.

Vanhu vakaramba vachingovapikisa. Pane imwe nguva, vanhu vanopfuura 1 000 vakauya kuzovhiringidza purogiramu yacho. Purogiramu yemusi weSvondo masikati payakanga iri pakati, mapurisa akauya kuzovhiringidza zvinhu pagungano racho uye akatosunga dzimwe hama.

Hofisi yebazi iri muEmmen

Asi zvese izvi zvakashaya basa. Dzichibatsirwa nehofisi yebazi, hama dzaitungamirira pakuronga gungano racho dzakakwanisa kuita kuti purogiramu yacho isamira.

Jehovha akaramba achikomborera ushingi hwaiva nehama nehanzvadzi dzedu. Muna 1983, bazi rekuNetherlands rakatamisirwa kunharaunda yeEmmen. Mugore rino ra2022, muNetherlands mune Zvapupu zvaJehovha zvinoda kusvika 30 000.

Nhoroondo yeZvapupu zvaJehovha zvekuNetherlands inonyatsoratidza kuti Jehovha ‘haamborasi kana kusiya’ vanhu vake.—Dheuteronomi 31:6.