Enda pane zvauri kuda

Chivakwa chiri mudunhu reRivers State chakazara mvura

21 OCTOBER 2022
NIGERIA

Mafashamo Makuru Aparadza Zvinhu Zvakawanda kuNigeria

Mafashamo Makuru Aparadza Zvinhu Zvakawanda kuNigeria

Mvura yakawanda ine simba yakanaya kuNigeria yakakonzera mafashamo makuru. Panga pava nemakore akawanda kusati kwamboitika mafashamo akadai. Nzvimbo dziri nechekumaodzanyemba kweNigeria idzo dziri pedyo nenzizi dzinoti Niger neBenue ndidzo dzakanyanya kukanganiswa. Mafashamo aya akaparadza migwagwa nemabhiriji, akakonzera kuti vanhu vanodarika 1 miriyoni vasare vasisina pekugara uye akauraya vanhu vanosvika 600. Sangano remuNigeria rinoona nezvekubatsira vanhu kuti vagare vakagadzirira njodzi reNational Emergency Management Agency rakati mafashamo aya injodzi “huru” chaizvo. Hurumende inofunga kuti kuparadzwa kwakaita zvinhu nemafashamo aya kuchakonzerawo kushomeka kwezvekudya.

Zvakaitika kuHama Nehanzvadzi Dzedu

    Hama iri kubuda munzvimbo yakaitika mafashamo

  • Hapana hama kana hanzvadzi yedu yakaurayiwa

  • Vaparidzi 4 074 vakasiya misha yavo

  • Dzimba 900 dzakazara mvura

  • Dzimba 180 dzakaparadzwa

  • Dzimba dzeUmambo 70 uye Imba Yemagungano imwe chete zvakazara mvura

Mabasa Ekuyamura

  • Pakagadzwa Makomiti Ekuyamura Panoitika Njodzi 4

  • Vaparidzi vakasiya misha yavo vari kupiwa zvekudya nezvimwe zvavanoda uye vakawanirwawo pekumbofanogara

  • Vakuru nevatariri vematunhu vemuungano dziri munharaunda dzakaitika njodzi vari kukurudzira uye kubatsira vaya vakawirwa nenjodzi

  • Mabasa ekuyamura ari kuitwa pachitevedzerwa mitemo ine chekuita nekuzvidzivirira paCOVID-19

Tinofara kuziva kuti panguva dzakaoma dzatiri iye zvino, Jehovha ari kuramba achipa vanhu vake ‘nzvimbo yekuvanda panguva dzedambudziko,’ achivapa zvavanoda pakurarama uye pane zvekunamata.—Pisarema 27:5.