Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha zviine giramufomu nemabhuku ekare makore ekuma1930

13 DECEMBER, 2021
NIGERIA

Zvapupu zvaJehovha Zvinopemberera Makore 100 Ekuparidza muNigeria

1921-2021: Iye Zvino Kwava Nevaparidzi Vanopfuura 400 000

Zvapupu zvaJehovha Zvinopemberera Makore 100 Ekuparidza muNigeria

Munguva ichangopfuura, Zvapupu zvaJehovha kuNigeria zvakaita zviitiko zviviri zvinokosha zvekupemberera makore 100 ekudzidzisa vanhu Bhaibheri munyika iyoyo. Musi wa12 December 2021, ungano dzese dzeZvapupu zvaJehovha muNigeria dzakakokwa kuti dzione musangano unokosha wakarekodhwa waiva nehurukuro uye vanhu vaitaura nezvenhoroondo yebasa redu rekuparidza munyika iyoyo. Musangano wacho wakaitwa muChirungu, Efik, Igbo, Mutauro Wemasaini wekuNigeria, Pidgin yekuWest Africa, uye Yoruba. Musi wa10 December, 2021, Zvapupu zvaJehovha zvakavhura miziyamu pahofisi yebazi muNigeria. Pari zvino vanoshanda pahofisi yebazi yemuNigeria ndivo chete vanokwanisa kuona zviri mumiziyamu yacho uye vamwewo vanhu vachazouya nekufamba kwenguva.

Hama William “Bible” Brown (kuruboshwe) nedzimwe hama nehanzvadzi dzemuNigeria nemamishinari vari pahofisi yebazi muna 1948

Miziyamu iyi ine chikamu chakanzi “Makore 100 Tichiratidza Ushingi.” Chinotaura nezveushingi hwakaratidzwa neZvapupu zvaJehovha muNigeria pakuparidza pasinei nekumbobhanwa kwemabhuku avo, kupikiswa uye hondo yakamboitika. Mumiziyamu iyi mune mavhidhiyo uye mashoko akarekodhwa ekuti unogona kungoteerera uyewo zvimwe zvinhu zvaishandiswa kare pabasa redu. Izvi zvinobatsira munhu kuti anyatsoona nekufungidzira zvaisangana nehama dzedu kare ikako. Vaenzi vachakwanisa kuona makuriro akaita basa redu muNigeria, kubvira parakatanga muna December 1921, paingova nevanhu vashomanana vaiungana vachidzidza Bhaibheri muLagos, kusvika iye zvino pakwava nevaparidzi vanopfuura 400 000 vari kuparidza munyika iyi.

Zvapupu zvemuNigeria uye mune dzimwe nyika pasi rese zvinogona kuvawo neushingi pazvinofunga nezveushingi hwakaratidzwa nehama nehanzvadzi dzekuNigeria mumakore 100 apfuura.—Johani 16:33.