29 SEPTEMBER 2022
NHAU DZEPASI RESE
Dare reEuropean Court of Human Rights Rakapa Mutongo Wekupedzisira Panyaya Dzine Chekuita Nerusununguko Rwekunamata muRussia nemuLithuania
Musi wa7 September 2022, dare reEuropean Court of Human Rights (ECHR) rakapa mutongo wekupedzisira panyaya mbiri dzine chekuita neZvapupu zvaJehovha. Musi wa7 June 2022, ECHR yakataura kuti zvakaitwa neRussia zvekubhana Zvapupu zvaJehovha muna 2017 hazvisi pamutemo. Musi mumwe chete iwoyo, ECHR yakatiwo nyika yeLithuania yakatyora mutemo weEuropean Convention on Human Rights panyaya yahama Stanislav Teliatnikov, avo vakaramba kupinda muchiuto nemhaka yezvavanotenda.
Russia neLithuania hadzina kukwidza mutongo uyu kuGrand Chamber of the ECHR kuti mutongo wakapiwa musi wa7 June uongororwe zvakare. Saka nyika idzi dzakanzi neECHR dzinofanira kutevedzera mitongo yakapiwa, inosanganisira kuripa mari kuvanhu vavakatyora kodzero dzavo.
Musi wa11 June 2022, Russia yakaedza kubuda muECHR ichida kutiza mutongo wakanga wapiwa. Kunyange zvakadaro, dare reECHR richiri kukwanisa kutonga nyaya dzine chekuita neRussia dzayakapomerwa musi wa16 September 2022 usati wasvika dzekutyora kodzero dzeEuropean Convention on Human Rights.
Tinonyengetera kuti dai mitongo iyi yakapiwa neECHR ine chekuita nerusununguko rwekunamata ikateererwa, kuitira kuti vaKristu vanoda kunamata vakasununguka vakwanise ‘kuramba vachirarama upenyu hwakadzikama uye hune runyararo, vakanyatsozvipira kuna Mwari.’—1 Timoti 2:1, 2.