Enda pane zvauri kuda

Dutu rinonzi Hurricane Ian rakaparadza zvinhu zvakawanda uye rakasiya mamiriyoni evanhu muCuba uye muUnited States asina magetsi

4 OCTOBER 2022
NHAU DZEPASI RESE

Dutu Rinonzi Hurricane Ian Rakaparadza Zvinhu

Dutu Rinonzi Hurricane Ian Rakaparadza Zvinhu

Musi wa27 September 2022, dutu rinonzi Hurricane Ian rakaparadza zvinhu muCuba uye zuva rakatevera racho, rakasvika nechekumaodzanyemba kweFlorida. Dutu iri raiva nemhepo yaifamba zvekusvika makiromita 240 paawa nderimwe remadutu ane simba chaizvo ati ambopfuura nemuUnited States. Paraipfuura rakananga kugungwa reAtlantic, rakaparadza zvinhu uye nharaunda dzakawanda dzinogara vanhu, nzvimbo dzakasara dzisisina magetsi, uye dzimwe dzakasara dzazara mvura. Rakazosvikawo muSouth Carolina.

Dutu iri raiparadza rakaita kuti vaparidzi vemuFlorida vanopfuura 12 000 vasiye misha yavo.

Vatariri vematunhu vari kushanda pamwe chete nevamiririri veDhipatimendi Remapurani Nekuvaka kubatsira vakuru kuti vape vaya vakawirwa nenjodzi iyi zvavanoda pakurarama.

Zvakaitika Kuhama Nehanzvadzi Dzedu

Cuba

  • Zvinosuwisa kuti hama imwe chete yakaurayiwa

  • Hama mbiri dzakakuvara, asi kwete zvakanyanya

  • Dzimba 300 dzakakanganisika, asi kwete zvakanyanya

  • Dzimba 491 dzakakanganisika zvakanyanya

  • Dzimba 63 dzakaparadzwa

  • Nzvimbo 40 dzinoitirwa misangano dzakakanganisika zvakanyanya

  • Nzvimbo imwe chete inoitirwa magungano yakakanganisika, asi kwete zvakanyanya

  • Nzvimbo nhatu dzinoitirwa magungano dzakakanganisika zvakanyanya

Florida

  • Hapana hama kana hanzvadzi yedu yakaurayiwa nedutu iri

  • Vaparidzi vaviri vakakuvara, asi kwete zvakanyanya

  • Pari zvino, vaparidzi 5 874 vakasiya misha yavo

  • Dzimba 1 559 dzakakanganisika, asi kwete zvakanyanya

  • Dzimba 367 dzakakanganisika zvakanyanya

  • Dzimba 47 dzakaparadzwa

  • Kusvika pari zvino, dzimba 329 dzakagadzirwa kuti dzingogarika

  • Kusvika pari zvino, dzimba 71 dzakagadziridzwa dzikapera

  • Zvivakwa zvesangano 38 zvakakanganisika, asi kwete zvakanyanya

  • Imba yeUmambo imwe chete yakakanganisika zvakanyanya

  • Imba Yemagungano imwe chete yakakanganisika zvakanyanya

South Carolina

  • Hapana hama kana hanzvadzi yedu yakakuvara kana kuti yakaurayiwa nedutu iri

  • Vaparidzi 35 vakasiya misha yavo

  • Dzimba 13 dzakakanganisika, asi kwete zvakanyanya

Mabasa Ekuyamura

  • Vatariri vematunhu nevakuru vari kusimbisa mhuri dzakawirwa nedutu iri uye vari kuvabatsirawo nezvavanoda

  • Nzvimbo 14 dzine zvinhu zvekushandisa kuyamura hama nehanzvadzi dzedu dzakawirwa nenjodzi dzakaiswa muFlorida munzira iri kushandiswa nevanenge vachienda kunzvimbo dzakachengeteka

  • Makomiti ekubatsira panoitika njodzi akagadzwa muFlorida nemuCuba kuti atungamirire basa rekuyamura vanhu

  • Basa rese rekuyamura vanhu riri kuitwa pachitevedzerwa mirayiridzo ine chekuita nekuzvidzivirira pachirwere cheCOVID-19

Kubatsira kuri kuita hama dzedu vavanonamata navo panguva ino yakaoma kuri kuzadzisa mashoko emunyori wepisarema ekuti: “Uya anovimba naJehovha akapoteredzwa nerudo rwake rusingachinji.”—Pisarema 32:10.