6 JUNE 2023
NHAU DZEPASI RESE
Basa Riri Kuitwa kuRamapo
Gadziriro Dzekutanga Kuvaka kuRamapo Dziri Kuenderera Mberi
Musi wa1 June 2023, dhipatimendi rinoona nezvekuchengetedzwa kwenharaunda nezviwanikwa rinonzi New York State Department of Environmental Conservation rakatipa mvumo yekubvisa miti yakachekwa panzvimbo yatiri kuda kuvaka. Miti yacho yakapedza kuchekwa musi wa18 March, pangosara mavhiki maviri kuti nguva inobvumirwa nehurumende kuti vanhu vacheke miti ipere.
Hama Robert McRedmond, avo vari murongi muKomiti Inotungamirira Pakuvaka (CPC) kuRamapo vakati: “Pamabasa akakura akaita seratiri kuita kuRamapo, pese patinowana mvumo yekuita chimwe chinhu tinenge tatova pane rimwe danho richaita kuti tizokwanisa kutanga kuvaka. Tiri kunyatsoona Jehovha achitibatsira kukunda matambudziko atiri kusangana nawo uye tiri kutarisira kuona kuti achatibatsira sei kugadzirisa mamwe atichasangana nawo mune ramangwana.”—Isaya 57:14.
Hama dziri muCPC dziri kuramba dzichishanda pamwe chete nevakuru vemunharaunda kuti vawane mvumo yekuita zvimwe zvese zvinodiwa.