Enda pane zvauri kuda

Hama Aleksandr Dubovenko naHama Aleksandr Litvinyuk

8 DECEMBER 2022
NHAU DZEPASI RESE

Hama Dubovenko naHama Litvinyuk Vakatongerwa Makore 6 Mujeri

Hama Dubovenko naHama Litvinyuk Vakatongerwa Makore 6 Mujeri

Musi wa30 November 2022, dare reArmyanskiy City Court of the Republic of Crimea rakati Hama Aleksandr Dubovenko naHama Aleksandr Litvinyuk vane mhosva. Vakatongerwa makore 6 mujeri uye vakabva vatoenda kunovharirwa.

Nhoroondo Yeupenyu

Tinonyaradzwa nekuziva kuti Jehovha anogara ainesu pese patinosangana nemiedzo, pasinei nekuti tiri kupi.—Pisarema 139:7-12.

Zvinhu Zvakaitika

  1. 2 August 2021

    Hama idzi dzakatanga kupomerwa mhosva yekuita mabasa esangano rinonzi rinopandukira hurumende vachiita zvekuonana pamavhidhiyo

  2. 5 August 2021

    Dzimba dzemhuri 8 dzeZvapupu zvaJehovha, kusanganisira imba yekwaDubovenko neyekwaLitvinyuk dzakasechwa. Hama Litvinyuk vakabva vasungwa vachibva vambonovharirwa

  3. 6 August 2021

    Hama Litvinyuk vakabudiswa asi vakabva varambidzwa kubva pamba

  4. 9 August 2021

    Mapurisa akasecha zvakare imba yekwaDubovenko. Hama Dubovenko vakabva vabvunzurudzwa vachibva varambidzwa kubva pamba

  5. 11 August 2021

    Hama Litvinyuk vakapomerwa mhosva yekuronga mabasa esangano rinonzi rinopandukira hurumende

  6. 8 February 2022

    Hama Dubovenko vakapomerwa mhosva yekuronga mabasa esangano rinonzi rinopandukira hurumende

  7. 29 April 2022

    Nyaya yakatanga kupinda mudare. Mutongi akaramba chikumbiro chaHama Litvinyuk chekuti vaende kwachiremba uye varapwe pavainge vasingabvumidzwi kubva pamba

  8. 8 September 2022

    Hama idzi mbiri dzakabvumidzwa kubva pamba kubva na7 mangwanani kusvika na7 manheru.

  9. 30 November 2022

    Hama dzacho mbiri dzakatongerwa makore 6 mujeri

a b Vakataura mashoko aya vasati vapiwa mutongo wavo.