Enda pane zvauri kuda

Hama Artem Shabliy

1 APRIL 2022
NHAU DZEPASI RESE

Jehovha Ari Kuita Serusvingo Kwandiri

Jehovha Ari Kuita Serusvingo Kwandiri

Musi wa16 February 2022, dare reKerch City Court of the Republic of Crimea rakati hama Artem Shabliy vane mhosva richibva ravatongera makore maviri mujeri asi makore acho akabva asendekwa padivi. Havasi kufanira havo kuenda kujeri pari zvino.

Zvinhu Zvakaitika

  1. 26 May 2020

    Mapurisa akangoerekana asvika pamba pahama Shabliy uye padzimba 4 dzeZvapupu zvaJehovha kuCrimea. Mapurisa aya paakauya akapwanya hwindo uye mwanakomana wahama Shabliy ane makore 4 akachekwa makumbo nemagirazi. Pashure pekunge vaita maawa 3 vachisecha, hama Shabliy vakabva vasungwa vakavharirwa mujeri mukamuri ravo vega kwemazuva matatu

  2. 9 June 2020

    Artem akakumbira dare reKerch City Court kuti rimuratidze mapepa ane mhosva yaari kupomerwa. Akarambirwa kunyange zvazvo mutemo uchiti anofanira kuratidzwa

  3. 24 May 2021

    Nyaya yacho yakapinda mudare. Hama nehanzvadzi dzakauya kudare kuti dzikurudzire Artem, asi vakarambidzwa kupinda mukati

Nhoroondo Yeupenyu

Jehovha anotsigira vashumiri vake vakavimbika sezvaari kuita kuna hama Shabliy. Tine chokwadi chekuti acharamba ari ibwe, nhare uye nzvimbo yekupotera kuhama nehanzvadzi dzedu dziri kuCrimea nekuRussia.—Pisarema 18:2.