Enda pane zvauri kuda

Hama nehanzvadzi pasi rese dzakaungana kuti dziyeuke Chirangaridzo

21 APRIL 2022
NHAU DZEPASI RESE

Mamiriyoni Evanhu Anobatana Pakuyeuka Rufu rwaKristu

Mamiriyoni Evanhu Anobatana Pakuyeuka Rufu rwaKristu

Hama nehanzvadzi dzichikwazisana kuChile

Musi wa15 April 2022, mamiriyoni eZvapupu zvaJehovha pasi rese pamwe chete nevanhu vavakanga vakakoka vakaita Kudya kwaShe Kwemanheru. Takapedzisira kuita musangano uyu takaungana pamwe chete mugore ra2019. Vaya vakanga vasingakwanisi kuungana pamwe chete nevamwe gore rino vakapinda vachiita zvekuonana nevamwe pamavhidhiyo.

Chirangaridzo cheRufu rwaKristu ndiwo musangano unonyanya kukosheswa neZvapupu zvaJehovha kupfuura mimwe yese. Nemhaka yechirwere cheCOVID-19, musangano uyu watinoita gore rega rega waiitwa vanhu vachiiita zvekuonana pamavhidhiyo kwemakore maviri. Vanhu vanopfuura 21 miriyoni vakapinda Chirangaridzo muna 2021.

Gore rino ndiko kaiva kekutanga kuti vamwe vanhu vakaita saMarkensia Remy wekuHaiti vapinde Chirangaridzo vakaungana nevamwe. Markensia, uyo ava negore abhabhatidzwa akati: “Ndinofara zvikuru kuti ndakapinda Chirangaridzo paImba yeUmambo. Ndinotoshaya kuti ndingatsanangure sei manzwiro andiri kuita. Ndiri kunyatsonzwa kuti ndiri mumhuri yakanaka chaizvo.”

Tinotenda Jehovha nekukomborera kwaakaita Chirangaridzo chegore rino, uye tinonyanya kutenda Jehovha Mwari neMwanakomana wake Jesu Kristu, nekutiratidza rudo rukuru rusati rwamboratidzwa.—Johani 3:16.

 

Argentina

Bolivia

Brazil

Cambodia

Central African Republic

Cook Islands (Rarotonga)

Ecuador

Indonesia

Israel

Japan

Kazakhstan

Kosovo

Mexico

Paraguay

Peru

Philippines

Poland

Romania

Spain

Taiwan

Ukraine

United States

Venezuela