Enda pane zvauri kuda

30 DECEMBER 2021
NHAU DZEPASI RESE

Masetting Matsva Emabudiro Ezvinhu paJW.ORG

Masetting Matsva Emabudiro Ezvinhu paJW.ORG

Pane zvinhu zvakavandudzwa pajw.org, uye chimwe chacho ndicho chainyanya kudiwa nevakawanda. Iye zvino wava kukwanisa kusarudza kuti unoda kuti jw.org ibude yakajeka kana kuti yakati ndo-o.

Setting yakati ndo-o (inonziwo dark mode, dark theme kana kuti night mode) inoita kuti mashoko, mavhidhiyo nemapikicha zvinge zvakajeka asi zvimwe zvese zvakati ndo-o. Vamwe vanofarira mabudiro aya nekuti haabudisi chiedza chakanyanya. Izvi zvinobatsira kuti usarwadziwa nemaziso kunyanya kana huri usiku kana kuti uri munzvimbo isina chiedza chakawanda. Mabudiro aya anobatsirawo vaya vasinganyatsooni zvakanaka kana kuti vasingadi chiedza chakawanda.

Kuti uchinje mabudiro anoita zvinhu, dzika kuzasi kwepeji wobaya pakanzi Mabudiro Acho. Kana uchida kuti jw.org ibude zvakafanana nezviri pamasetting efoni yako baya pakanzi Masetting efoni. Unogonawo kusarudza mabudiro aunoda nekubaya pakanzi Zvakajeka kana kuti pakanzi Zvakati ndo-o.

Masetting matsva aya haasati ava paJW Library asi achaiswawo nekufamba kwenguva. Tinotenda chaizvo Jehovha nekuvandudzwa kuri kuitwa maturusi edu aya kuti tikwanise kuwana zvekudya zvekunamata zvakawanda.