Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha zvakatanga kushandisa website yewatchtower.org makore 25 adarika. JW.ORG yakatanga kushandiswa muna 2012 uye iye zvino ndiyo website yakashandurwa mumitauro yakawanda kupfuura dzimwe dzese pasi rese

17 AUGUST 2022
NHAU DZEPASI RESE

‘Mashoko Akanaka paIndaneti’

Website yeZvapupu zvaJehovha Yava Nemakore 25 Ichishanda

‘Mashoko Akanaka paIndaneti’

Zvapupu zvaJehovha zvava nemakore 25 zviine website yazvo paindaneti. MuUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaNovember 1997 maiva nenyaya yakanzi “Mashoko Akanaka Ava paInternet” yaitaura nezvewebsite itsva inonzi watchtower.org. Nyaya yacho yakati: ‘Sosaiti yakaisa paindaneti mashoko akarurama pamusoro pemabasa anoitwa neZvapupu zvaJehovha uye zvavanotenda. Chinangwa chewebsite yedu hachisi chekubudisa zvinyorwa zvitsva, asi ndechekuita kuti vanhu vakwanise kuwana mashoko vachishandisa zvinhu zvakadai semakombiyuta.’

Kubvira ipapo zvichienda mberi, vanhu vakanga vava kukwanisa kudhaunirodha mamwe matirakiti, mabhurocha, uye nyaya dziri muNharireyomurindi neMukai! pawatchtower.org. Website yewatchtower.org yakatanga kushanda musi wa15 January 1997. Uye yejw-media.org yakazotangawo kushanda muna 1999. Pawebsite iyi paibudiswa nyaya dzechokwadi dzezvinhu zvakanga zvichitoitika dzaiva nechekuita neZvapupu zvaJehovha, kusanganisira nyaya dzemumatare uyewo zvimwe zvaiitwa nesangano.

Jw.org yakatanga kushandiswa muna 2005 uye nekufamba kwenguva vanhu vakanga vava kukwanisa kudhaunirodha mamwe mabhuku nezvakarekodhwa zvaivapo.

Muna August 2012, mawebsites aya ari matatu akabatanidzwa kuva website imwe chete inonzi jw.org. Huchitaura nezvewebsite iyi itsva, Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaDecember 2012 hwakati: “Vanhu vanenge 33 pa100 voga voga pasi rose vanoshandisa Indaneti. Ndiyo nzira iri kunyanya kushandiswa nevakawanda kunyanya vechiduku pakutsvaka mashoko. . . . Inoita kuti mashoko akanaka asvike kunzvimbo dzine vanhu vakanga vane mikana mishoma yokunzwa mashoko akanaka oUmambo.”

Zvinhu zvakasiyana-siyana zvakadai semabhuku, zvekuteerera zvakarekodhwa zvakatanga kuwanika paJW.ORG. Mabhuku aiwanika mumitauro 411. Pashure pemakore 7, mabhuku akanga ava kuwanika mumitauro 1 000 inosanganisira mitauro 100 yemasaini.

Pakatanga chirwere cheCOVID-19, JW.ORG yakatanga kunyanya kushandiswa, sezvo kwakanga kusisina misangano yaiitwa vanhu vachionana uye zvakanga zvakaoma kuprinda uye kuendesa mabhuku kunzvimbo dzakasiyana-siyana. Musi wa7 April 2020, musi weChirangaridzo cherufu rwaJesu, zvigadzirwa zvinodarika 7 miriyoni zvakashandiswa kupinda pajw.org. Ndiko kakanga kari kekutanga tichiwana zvigadzirwa zvakawanda kudaro zvinoshandiswa kupinda pawebsite yedu. Muna 2020, zvigadzirwa zvinodarika 1 bhiriyoni zvakashandiswa kupinda pawebsite yedu, asi muna 2019 pakapinda zvinenge 800 miriyoni. Kubva muna January 2022, zvigadzirwa zvinenge 3 miriyoni zvinoshandiswa kupinda pawebsite yedu zuva rega rega.

Mashoko echokwadi ari pajw.org ari kubatsira vanhu kuti vanyatsonzwisisa Zvapupu zvaJehovha. Semuenzaniso, Tenesha Gordon anoti: “Ndakafarira kuti mashoko ane chekuita neZvapupu ari nyore kuwana, mashoko akadai sekuti vanhu vakaita sei, vanotenda zvinhu zvipi, uye chii chinoita kuti vatende zvinhu izvozvo. Izvi zvakandibatsira kuti ndione kuti zvandaifunga nezvavo zvaiva zvisirizvo.”

Tenesha akabhabhatidzwa muna 2017. Iye zvino ava kubatsira paBheteri rekuJamaica, achishanda achibva kumba.

Mashoko echokwadi akawanikwa naTenesha pajw.org akaita kuti ade kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha

Hama Clive Martin, avo vanotungamirira basa rinoitwa nedhipatimendi rinoona nezvewebsite iyi vanoti: “Zvinofadza kuona mashandisiro ari kuita Jehovha jw.org kuti asvitse mashoko akanaka eUmambo kuvanhu vakawanda vanobva kwakasiyana-siyana pasi rese.”

Tinotenda Jehovha nekutipa turusi iri rinotibatsira pabasa rekuparidza, rinoita kuti tizive zviri kuitika musangano uye rinotibatanidza sesangano rimwe chete riri pasi rese, zvoita kuti Jehovha arumbidzwe.—Pisarema 145:1, 2.