26 SEPTEMBER 2022
NHAU DZEPASI RESE
Mhepo Ine Simba Nemvura Zvakaparadza Zvinhu kuCaribbean
Musi wa18 September 2022, kuPuerto Rico nepazvitsuwa zviri pedyo kwakaitika dutu rinonzi Hurricane Fiona, iro raiva nemhepo yaimhanya 160 km/hr nemvura yakawanda yainaya. Dutu racho rakaparadza migwagwa nemabhiriji uye vanhu vakawanda vakasara vasina magetsi. Nemhaka yekuparadzwa kwakaitwa migwagwa nemabhiriji, zviri kubva zvaomera hurumende kuti iendese zvekudya, mvura nemishonga kuvanhu.
Zvakaitika kuHama Nehanzvadzi Dzedu
Puerto Rico, Saint Kitts and Nevis, Turks and Caicos
Hapana hama kana hanzvadzi yedu yakafa
Vaparidzi 4 vakakuvara asi kwete zvakanyanya
Vaparidzi 75 vaitofanira kusiya misha yavo
Dzimba 140 dzakakanganisika, asi kwete zvakanyanya
Dzimba 18 dzakakanganisika zvakanyanya
Imba imwe chete yakaparadzwa
Dominican Republic
Hapana hama kana hanzvadzi yedu yakafa
Vaparidzi 58 vaitofanira kusiya misha yavo
Dzimba 57 dzakakanganisika, asi kwete zvakanyanya
Dzimba 26 dzakakanganisika zvakanyanya
Dzimba 2 dzakaparadzwa
Dzimba dzeUmambo 2 dzakakanganisika, asi kwete zvakanyanya
Dzimba dzeUmambo 2 dzakakanganisika zvakanyanya
Guadeloupe neMartinique
Hapana hama kana hanzvadzi yedu yakafa
Vaparidzi 16 vaitofanira kusiya misha yavo
Dzimba 43 dzakakanganisika, asi kwete zvakanyanya
Dzimba 2 dzakakanganisika zvakanyanya
Dzimba dzeUmambo 13 dzakakanganisika, asi kwete zvakanyanya
Mabasa Ekuyamura
Vatariri vematunhu nevakuru vari kunyaradza nekukurudzira mhuri dzakawirwa nenjodzi iyi uye vari kuvabatsirawo nezvinhu zvekurarama nazvo
Pari kuitwa urongwa hwekuti mhuri dzakawirwa nenjodzi iyi dzipiwe zvekurarama nazvo uye vagadzirisirwe dzimba dzavo
Basa rese rekuyamura riri kuitwa pachitevedzerwa mitemo yekuzvidzivirira pachirwere cheCOVID-19
Tinoziva kuti hama nahanzvadzi dzedu dzakawirwa nenjodzi iyi dzichanyaradzwa nerudo rwavari kuratidzwa nehama nehanzvadzi dzedu pasi rese.—Mabasa 11:29.