27 SEPTEMBER 2022 | NYAYA IYI PAYAVA: 27 FEBRUARY 2023
NHAU DZEPASI RESE
NYAYA IYI PAYAVA—MITONGO YEKUGARA MUJERI | Jehovha Ari Kubatsira Hama Dzedu Kuti Dzirambe Dzichifara
Musi wa27 February 2023, dare reYalta City Court of the Republic of Crimea rakati Hama Taras Kuzo nemudzimai wavo, Hanzvadzi Darya Kuzo, pamwe chete naHama Sergey Lyulin naHama Petr Zhiltsov vane mhosva. Hanzvadzi Darya vakatongerwa kugara mujeri kwemakore matatu asi mutongo wacho wakambosendekwa. Havasati vava kufanira kuenda kujeri pari zvino. Hama Taras vakatongerwa kugara mujeri kwemakore 6 nehafu uye Hama Sergey naHama Petr vakatongerwa kugara mujeri kwemakore 6 nemwedzi mumwe chete. Hama dzacho nhatu dzakabva dzatovharirwa.
Zvinhu Zvakaitika
4 March 2021
Taras anopomerwa mhosva yekutsigira nemari sangano rinopandukira hurumende
11 March 2021
Mapurisa akasecha dzimba 9 dzeZvapupu zvaJehovha, kusanganisira imba yahama nahanzvadzi Kuzo neyahama Sergey. Hama Kuzo vakabva vaiswa mujeri rinoiswa vanhu vanenge vakamirira kuzotongwa
12 March 2021
Taras akasunungurwa achibva arambidzwa kubva pamba uye akarambidzwa kugara nemhuri yake
29 July 2021
Darya, Petr, naSergey vanopomerwa mhosva. Petr akabva aiswa mujeri rinoiswa vanhu vanenge vakamirira kuzotongwa
30 July 2021
Nyaya dzavo dzakabatanidzwa kuita nyaya imwe chete. Petr akasunungurwa achibva arambidzwa kubva pamba
11 August 2021
Sergey akasungwa achibva aendeswa kujeri rinoiswa vanhu vanenge vakamirira kuzotongwa riri kure nemakiromita 800 kubva kwaanogara. Rwendo rwacho runotora maawa 16. Paaiendeswa kujeri, maoko ake akanga akasungirirwa pasimbi iri padenga remota yacho uye makumbo ake akanga akasungirirwa pachigaro chaakanga akagara
1 March 2022
Sergey akabudiswa mujeri achibva arambidzwa kubva pamba
4 April 2022
Nyaya inopinda mudare
11 July 2022
Petr, Sergey, naTaras vakanzi vava kubvumidzwa kubva pamba asi vakarambidzwa kuita nzendo
Nhoroondo Yeupenyu
Hama nehanzvadzi dzakatendeka dziri mujeri, dzakamirira kutongwa kana kuti dzisiri kubvumidzwa kubva pamba dzinogona kumbonzwa sekuti ‘dzakaomerwa zvekutadza kufamba,’ asi Jehovha haambovasiyi nemhaka yezita rake.—2 VaKorinde 4:8, 9.