Enda pane zvauri kuda

Dmitriy Dolzhikov ndiye Chapupu chechi100 chakasungirwa kuita mabasa echiKristu muRussia

28 OCTOBER 2022
NHAU DZEPASI RESE

Nhamba yeZvapupu Zvakavharirwa Mujeri muRussia neCrimea Yapfuura 100

Nhamba yeZvapupu Zvakavharirwa Mujeri muRussia neCrimea Yapfuura 100

Pakasvika 26 October 2022, hama 106 nehanzvadzi 4 dzakanga dzasungirwa zvadzinotenda muRussia neCrimea. Vamwe vavo vakavharirwa vachimirira kuti nyaya dzavo dzitongwe asi vamwe vacho vakatotongwa. Hama Dmitriy Dolzhikov, vane makore 44, ndivo vaiva Chapupu chechi100 kuiswa mujeri. Dmitriy akasungwa musi wa8 September 2022. Akasungirwa kuita mabasa esangano rinonzi rinopandukira hurumende akadai sekupinda misangano yechiKristu uye kuudza vamwe zvaanotenda. Kubva pakabhanwa Zvapupu muna 2017, hama nehanzvadzi dzinoda kusvika 350 dzakambovharirwa mujeri.

Mapurisa akasunga Dmitriy pashure pekunge asecha imba yake munharaunda yeChelyabinsk Region. Pashure pemazuva maviri, akaendeswa kujeri riri muNovosibirsk Region achimirira kuti nyaya yake itongwe. Jeri iri kure nemakiromita 1 500 kubva kumba kwake.

Dmitriy akavharirwa muchitokisi chine vamwe vasungwa 12. Mudzimai wake, Marina, haasi kubvumirwa kumushanyira asi vanokwanisa kutaura vese vachiita zvekunyorerana tsamba.

Marina anoti: “Pakasungwa Dmitriy ndaitadza kurara uye ndaipepuka kakawanda usiku. Shamwari dzemuungano medu dzakandikoka kuti ndiuye kuzogara nadzo uye izvozvo zvakandibatsira uye zvakandisimbisa.”

Marina anoti Dmitriy ari kufara. Anoti, “Jehovha ari kumuchengeta.”

Marina naDmitriy Dolzhikov

Hama nehanzvadzi dzedu dziri kupomerwa mhosva yekutyora mutemo uri muRussian Federation Criminal Code unotaura nezvekupandukira hurumende. Pavanhu vakasungwa panewo hanzvadzi yedu ine makore 57 inonzi Anna Safronova, uyo akatongerwa kugara mujeri kwemakore 6. Ndiye hanzvadzi yekutanga kupiwa mutongo wakareba kudaro.

Kusungwa kwakaitwa Dmitriy kunoratidza kuti Russia haisi kutombonyara kuenderera mberi nekutambudza Zvapupu zvaJehovha. Russia yava nemakore anodarika 5 ichiita izvi pasinei nekuti masangano makuru anoremekedzwa pasi rese ari kutsoropodza zvavari kuita. Muna 2017, Dare Repamusorosoro reRussia parakapa mutongo wekubhana Zvapupu zvaJehovha hurumende yeRussia yakati yaizovhara masangano epamutemo eZvapupu zvaJehovha asi yaizovarega vachiita mabasa avo ekunamata. Asi handizvo zviri kuitika. Kusvika pari zvino, pava nenyaya dzinosvika 308 dziri kubatanidza Zvapupu zvaJehovha zvinoda kusvika 700. Uye dzimba dzeZvapupu 1 851 dzakasechwa nemapurisa.

Tinonyengeterera Dmitriy uyewo hama nehanzvadzi dzedu dziri kutambudzirwa kutenda kwadzo. Tinoziva kuti Jehovha acharamba achivapa simba ravanoda kuti vatsungirire.—Mateu 24:13.