Enda pane zvauri kuda

31 DECEMBER 2021
NHAU DZEPASI RESE

Nharireyomurindi Nhamba 2 Yeveruzhinji Yakaparadzirwa Mumitauro Inodarika 300 Pamushandirapamwe Wakaitwa Muna November

Mimwe Mitauro 7 Yakawedzerwa!

Nharireyomurindi Nhamba 2 Yeveruzhinji Yakaparadzirwa Mumitauro Inodarika 300 Pamushandirapamwe Wakaitwa Muna November

Muna November 2021, Zvapupu zvaJehovha pasi rese zvakapa vanhu magazini yeNharireyomurindi Nhamba 2 ya2021 mumitauro inodarika 300. Pamitauro iyi 300, ndiko kakanga kari kekutanga kuti Nharireyomurindi ibudiswe mumitauro 7 yacho. Mitauro yacho ndeiyi: Faroese, Hawaii Pidgin, Luxembourgish, Manipuri (yakanyorwa nemavara echiRoman), Odia, Pomeranian, uye Saint Lucian Creole.

Hama Nicholas Ahladis, vanoshanda muDhipatimendi Rinobatsira Vashanduri kumahofisi makuru, vakati: “Mabhuku edu anobatsira munhu wese. Asi vamwe vashanduri havana zvinhu zvese zvavanoda kuti vakwanise kushandura magazini ese eNharireyomurindi anobudiswa. Matare Emapazi anotungamirira basa rinoitwa nevashanduri ava, anogona kunyorera Komiti Yekunyora yeDare Rinotungamirira vachikumbira mvumo yekushandura dzimwe nyaya dzinenge dziri mumagazini. Izvi ndizvo zvakaitika neNharireyomurindi Nhamba 2 ya2021 uye ndicho chikonzero nei yakabudiswa mumitauro iyi 7.”

Mienzaniso inotevera inoratidza kubatsira kwakaita mushandirapamwe uyu uye zvatiri kuita kuti vanhu vese vawane mabhuku anotsanangura Bhaibheri.

Tinofara chaizvo kunzwa kuti vanhu vakawanda vakakwanisa kuwana Nharireyomurindi iyi panguva yemushandirapamwe unokosha. Tinoziva kuti mishandirapamwe yakadai iri kunyatsoita zvinodiwa naMwari zvekuti “vanhu vakasiyana-siyana vaponeswe uye vasvike pakuva neruzivo rwakarurama pamusoro pechokwadi.”—1 Timoti 2:4.