3 JANUARY 2022
NHAU DZEPASI RESE
Nyika Dzakawanda Dzanyora Gwaro Rekuti Kutambudzwa Kuri Kuitwa Zvapupu zvaJehovha Ngakupere
Musi wa17 December 2021, nhengo dzakawanda dzesangano rinotsigira kodzero dzevanhu dzekunamata rinonzi International Religious Freedom or Belief Alliance a (IRFBA) dzakabatana pakunyora gwaro rekutsigira kodzero dzeZvapupu zvaJehovha izvo zviri kutambudzirwa kutenda kwazvo. Mugwaro racho vakanyora kuti Zvapupu zvese zvakasungwa ngazvisunungurwe uye kuti kurohwa, kutambudzwa, kupindirwa mudzimba nechisimba, uye kusarurwa kwavari kuitwa ngakupere.
Pasi rese, pane Zvapupu zvaJehovha zvinopfuura 150 zvakasungirwa kutenda kwazvo munyika dzakadai seCrimea, Eritrea, Russia, Singapore, neTajikistan. Sangano reIRFBA rakaratidza “kurwadziwa zvisingaiti nekutambudzwa kuri kuitwa Zvapupu zvaJehovha” uye vakati Zvapupu zvine kodzero yekunamata “zvakasununguka, vasingatyi, vasingashungurudzwi kana kutambudzwa.”
Tinofara chaizvo kuziva kuti dzimwe hurumende dzine maonero akanaka uye dzinotsigira kodzero yedu yekunamata. Chikuru chatinoziva ndechekuti, Jehovha acharamba achidzivirira hama nehanzvadzi dzedu dziri kutambudzwa uye achaita kuti ‘dzirambe dziine rugare’ nekuti dzinovimba naye.—Isaya 26:3.