20 JANUARY 2022
NHAU DZEPASI RESE
Shandisa Zvakanaka Bhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara! paJW Library
Muna January 2021, Dare Rinotungamirira rakataura nezvekubudiswa kwebhuku uye bhurocha raRarama Nekusingaperi Uchifara! Zvinyorwa izvi zvine kosi yeBhaibheri yatinoita zvekukurukura nemudzidzi uye zviri kutibatsira kuti tiwedzere kubudirira pakuitisa Zvidzidzo zveBhaibheri.
Pane zvimwe zvinhu zvitsva zvakawedzerwa paJW Library zvinobatsira kuti kushandisa zvinyorwa izvi zvepafoni kuwedzere kunakidza mudzidzisi nemudzidzi wake. Zvipe nguva yekuti unyatsoziva kuti zvinhu izvi zvinoshanda sei.
Kana uchida kuratidza mudzidzi wako imwe pfungwa iri muchidzidzo chamuri kuita, baya ndima yacho. Chibaya kapikicha kakanongedza kurudyi pane tunenge twabuda kuti ukwanise kutumira link yendima yacho.
Kana uchida kuteerera ndima yacho ichiverengwa uine mudzidzi wako, baya ndima yacho. Chibaya kapikicha kari kwekupedzisa kurudyi pane tunenge twabuda kuti munzwe mashoko acho akarekodhwa achiverengwa kutangira pandima iyoyo.
Kana mudzidzi wako achishandisa bhuku rakaprindwa asi iwe uchishandisa repafoni dzimwe nguva unenge uchida kuona kuti zvinhu zviri kuratidzika sei pabhuku rakaprindwa. Baya tumadodzi tutatu turi kumusoro, nechekurudyi. Kana wadaro, chibaya pakanzi Printed Edition. Kana wava kuda kudzokera pane zvaranga rakaita usati warichinja, baya pakanzi Digital Edition.
Kana uchida kubatsira mudzidzi wako kuona kuti ari kufambira mberi sei nechidzidzo chake achishandisa bhuku repafoni, mukurudzire kushandisa mabhokisi arimo kuti anyore zuva ramunopedza chidzidzo chimwe nechimwe, kana kuti anyore zvimwe zvaanoda kuedza kuita. Anogonawo kumaka pamabhokisi ari pachikamu chakanzi “Purogiramu Yekuverenga Bhaibheri” pese paanenge apedza kuverenga chitsauko chimwe nechimwe.