Enda pane zvauri kuda

14 OCTOBER 2022
NHAU DZEPASI RESE

Shanduro yeNyika Itsva Yakadzokororwa Yakabudiswa Mumutauro wechiSamoan

Shanduro yeNyika Itsva Yakadzokororwa Yakabudiswa Mumutauro wechiSamoan

Musi wa9 October 2022, Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene yakadzokororwa yakabudiswa mumutauro wechiSamoan. Hama Geoffrey Jackson, vari muDare Rinotungamirira vakabudisa Bhaibheri iri muhurukuro yakanga yagara yakarekodhwa, ikazoonekwa nevaparidzi muAmerican Samoa, Australia, New Zealand, nemuSamoa. Hurukuro yacho ichingopera, vanhu vakabva vatopiwa maBhaibheri akaprindwa uye vakanga vava kukwanisa kudhaunirodha epafoni.

Zvapupu zvaJehovha zvakatanga kuparidza muSamoa muna 1931, uye ungano yekutanga yakaumbwa muguta reApia muna 1953. Shanduro yeNyika Itsva yakatanga kubudiswa mumutauro wechiSamoan muna 2009. Zvapupu zvaJehovha nevamwewo vakafara chaizvo pavakawana shanduro iyi yakarurama uye iri nyore kuwana.

Hofisi yekushandura iri munharaunda yeSiusega, muSamoa

MuBhaibheri iri idzva rakadzokororwa, vashanduri vakashandura zvakarurama uye vakashandisa mutauro unoshandiswa nevanhu mazuva ano uye uri nyore kuverenga. Mumwe mushanduri akati: “Vanhu vechiSamoa vanoremekedza chaizvo Bhaibheri. Saka vashanduri vakashandisa mutauro uri nyore kunzwisisa asi unoremekedzeka. Tichibatsirwa naJehovha, tava neBhaibheri rakadzokororwa mumutauro wechiSamoan richatibatsira tese zvedu.”

Tine chokwadi chekuti Bhaibheri iri richaita kuti vanhu vawedzere kubatsirwa nekuverenga pfungwa dzaMwari wedu, Jehovha dziri muShoko rake.—Pisarema 139:17.