11 NOVEMBER 2022
NHAU DZEPASI RESE
Basa Riri Kuitwa kuRamapo
Taundi reRamapo Rakagadza Mutemo Mutsva Uchaita Kuti Tikwanise Kukumbira Mvumo Yekutanga Kuvaka
Musi wa9 November 2022, taundi reRamapo rakachinja mutemo waro une chekuita nekuti zvivakwa zvemuRamapo zvingashandiswa sei. Izvi zvichabatsira Komiti Inotungamirira Pakuvaka kuRamapo kuti inyorere ichikumbira mvumo yekutanga kuvaka. a
Uyewo, mugwagwa uri pedyo nepekupinda napo pazvivakwa zvekuRamapo wakagadziridzwawo. Vanhu vakazvipira kuvaka vakapedzisawo kugadzira bhiriji riri pedyo nepekupinda napo. Basa racho raisanganisira kuita kuti bhiriji racho rifare uye rinyatsosimba kuitira kuti mota dzinoshandiswa pakuvaka, amburenzi, nemota dzinoshandiswa pakudzima moto dzipinde zvakanaka. Zvivakwa izvi pazvichatanga kuvakwa, mota dzese dzichange dzichishandisa bhiriji iri.
Hama Matthew Mordecki, vari muKomiti Inotungamirira Pakuvaka zvivakwa izvi vakati: “Kuchinjwa kwaitwa mutemo une chekuita nekuti zvivakwa zvemuRamapo zvingashandiswa sei kunoita kuti tikwanise kunyorera kuti tipiwe mvumo yekutanga kuvaka. Kana tangopiwa mvumo iyi, muna December 2022 tinogona kutanga kutema miti tichigadzira patichavaka zvivakwa zvedu.”
Tinonyengetera kuti dai Jehovha aita kuti hama nehanzvadzi dziri kushanda pabasa iri rekuvaka ‘dzibudirire.’—Nehemiya 1:11.
a Mutemo uyu usati wachinjwa, nzvimbo iyi yainzi yaifanira kuvakwa zvivakwa zvekuchengetera vanhu vakura uye vakaremara.”