Enda pane zvauri kuda

7 JUNE 2023
NHAU DZEPASI RESE

Vanhu Vanotangazve Kuratidzwa Zvivakwa zveBheteri Pasi Rese

Vanhu Vanotangazve Kuratidzwa Zvivakwa zveBheteri Pasi Rese

Musi wa1 June 2023, zvivakwa zvakawanda zveBheteri zvakavhurwa kuti vanhu vatangezve kuzviratidzwa. Pakanga patova nemakore anopfuura matatu vanhu vasingabvumirwi kuenda kunoona zvivakwa izvi nemhaka yechirwere cheCOVID-19. Iri rakanga riri zuva rinokosha kunhengo dzemhuri yeBheteri pasi rese uye kuzviuru zvevanhu vakauya kuzoratidzwa.

Hama nehanzvadzi dzepaBheteri dziri kufara kukwazisa vaenzi paMahofisi Makuru eZvapupu zvaJehovha kuWarwick, New York, U.S.A.

Vaenzi pavaisvika, hama nehanzvadzi dzepaBheteri dzaivagamuchira dzichivanyemwerera uye kuvambundira. Vaivawo vakabata zvikwangwani uye vaiimba nziyo. Ellis Bott, uyo akatanga kushanda pamahofisi makuru kuWarwick, New York, panguva yechirwere cheCOVID-19, anoti: “Zvaifadza chaizvo kuona nhengo dzemhuri yeBheteri dzakamira panze dziine zvikwangwani zvekutambira vaenzi! Pandakaona vanhu vachibuda misodzi nekufara ndakayeuchidzwa kuti Bheteri inzvimbo yakanaka chaizvo.” Alexis Alexander, uyo anoshanda paBheteri achibva kumba, akafara chaizvo nekuva mumwe wevanhu vaigamuchira vaenzi vaiuya kuzoona Bheteri. Akati: “Zvaifadza chaizvo kuona kuti hama dzinoda Jehovha uye imba yake.”

Mi-yeon Jo nemwanakomana wake ane makore 8, Yoon, vanoshanyira Bheteri rekuKorea

Mi-yeon Jo akafara kuti akazokwanisa kushanyira hofisi yebazi yekuSouth Korea nemwanakomana wake, Yoon, uyo ane makore 8. Yoon aifara chaizvo kuti aizonoona zvakaita Bheteri zvekuti haana kukwanisa kurara usiku hwacho. Mi-yeon akati: “Patakangomuka takabva tatanga kuteerera rwiyo runotaura nezvaKuda naSaru vachishanyira Bheteri. Uye takaruridza zvakare pataiva mumota tichienda kubazi.” Yoon akafarira chaizvo zvaakaona zvekuti akati: “Bheteri ritori paradhiso, chiri kungoshota chete imhuka.”

Noah Johnsen nevabereki vake vachiona bazi reUnited States riri kuWallkill, New York

Noah Johnsen, mumwe mukomana wekuAlberta, Canada, uyo ane chirwere chinonzi spinal muscular atrophy, ainge agara achida chaizvo kunoona zvakaita Bheteri rekuNew York, U.S.A. Sezvo zvisingaiti kuti afambe nendege nemhaka yechirwere ichi, vabereki vake vakadhiraivha makiromita 4 100 kuti vanoona bazi rekuUnited States kuWallkill, New York. Achifunga nezvekushanya uku, Noah akati: “Ndinogona kutsanangura zvandakaona neshoko rimwe chete rekuti: rudo. Ndakaona rudo rwaJehovha uye rudo rwehama dzangu.”

Fyodor Zhitnikov nemudzimai wake, Yulita, vari kuona zviri mumiziyamu pabazi rekuKazakhstan

Fyodor Zhitnikov uyo ane makore 76, nemudzimai wake Yulita, vakafara chaizvo pavakaona miziyamu iri paBheteri rekuKazakhstan. Chimwe chikamu chemiziyamu yacho chinoratidza hama nehanzvadzi dzakaramba dzichitsungirira dzakatendeka kwemakumi emakore. Fyodor akanyanya kufarira chikamu ichi nekuti akatomboshanda pamwe chete nevakawanda vanoratidza muchikamu chacho. Fyodor akatenda chaizvo basa rakaitwa pakugadzira chikamu ichocho. Akati: “Kana zvinyorwa zveushumiri hwedu uye mabasa atakaita zvakakwanisa kuchengetedzwa nehama kwemakore ese aya, hapana mubvunzo kuti Jehovha anoyeuka zvese uye anoonga basa remumwe nemumwe wedu.”

Tiri kufara kuti tava kukwanisa zvakare kugamuchira vaenzi pazvivakwa zveBheteri munyika dzakawanda. Tinotarisira kugamuchira zviuru zvevaenzi mumazuva anotevera!—Pisarema 122:1.

Pasi apa pane mapikicha ehama nehanzvadzi dziri kuona zvivakwa zveBheteri zvakasiyana-siyana uye mamiziyamu.

 

Argentina

Belgium

Brazil

Dominican Republic

Ecuador

France

Kazakhstan

New Caledonia

Nigeria

South Korea

United States—Wallkill, New York

United States—Warwick, New York