9 JUNE 2022
NHAU DZEPASI RESE
Vapoteri Vakabva kuUkraine Vava Kutanga Upenyu Hutsva Mune Dzimwe Nyika
Hondo payakatanga kuUkraine, imwe hanzvadzi isina kuroorwa inonzi Iryna Makukha, ine makore 46, yakaenda kuchiteshi chezvitima kuKharkiv. Akaona kuti zviri nani kuti abude muUkraine. Yakanga iri batai-batai pachiteshi ipapo, vanhu vaingokwira chitima chavaona vasingatombozivi kuti chiri kuenda kupi. Chitima chaiva nahanzvadzi Iryna pachakasimuka chakanga chavharwa mahwindo kuitira kuti chisabhombwa. Chitima chacho pachakasimuka ndipo pavakazoziva kuti chakanga chichienda kuSlovakia.
Hanzvadzi Iryna vava kugara kuCzech Republic, uye vakasvika muguta guru rePrague, musi wa3 March 2022. Vakawana basa rekuchenesa mudzimba uye vanogara nedzimwe hanzvadzi mbiri dzekuUkraine dzakatizawo hondo. Iryna ari kudzidzira mutauro wechiCzech uye ari kuenderera mberi nekupayona, basa raava nemakore 20 achiita.
Iryna anoti: “Ndakanyatsozvionera ndega kuti Jehovha anotichengeta sei achishandisa hama dzedu dzatinonamata nadzo. Izvozvo zvakawedzera kusimbisa kutenda kwangu.”
Hama nehanzvadzi dzedu dzinosvika 23 000 dzakasarudza kutizira kune dzimwe nyika. Kunyange zvazvo vaya vakaenda kune dzimwe nyika vava munzvimbo dzakachengeteka, vanofanira kutsvaga basa nepekugara, kuva nemapepa anodiwa nehurumende, kutsvagira vana nzvimbo dzechikoro uye kudzidzira mutauro mutsva. Vari kuona kuti kugara vachiita zvinhu zvekunamata uye kuwadzana nehama nehanzvadzi dzavo kuri kuvabatsira chaizvo panguva iyi yakaoma.
Hama nahanzvadzi Perceac pamwe chete nemwana wavo Alina ane makore 17, vava kutanga upenyu hutsva kuRomania pashure pekunge nzvimbo yavaigara yeMykolaiv Oblast yasakadzwa nehondo. Vakabva muUkraine musi wa6 March 2022. Sezvo vari chizvarwa chekuMoldova, hama Anatoli Perceac vakabvumirwa kuenda nemhuri yavo kuRomania. Mudzimai wavo Olena anoti kutamira kune imwe nyika kwakangofanana “nekudzura muti wonodyara pane imwe nzvimbo.”
Mhuri yahama Perceac yakabatsirwa nehama dzekuRomania kuwana pekugara. Uyewo, Anatoli naOlena vakawana mabasa uye mwana wavo Alina akashandisa indaneti kuti apedzise basa rechikoro raakanga apiwa pachikoro chaaidzidza kuUkraine.
Hama nehanzvadzi dzekuRomania dziri kubatsira mhuri iyi kuti iwane zvainoda uyewo kuvakurudzira pane zvekunamata nekuvanyaradza. Vanogara vachitandara nehama dzavo idzi dzekuUkraine kuitira kuti dzisasurukirwa. Hanzvadzi Perceac naAlina vari kudzidzira chiRomanian vachishandisa JW Language app uye nekuenda kwavari kuita kunoparidza neungano yavo itsva. Hama Perceac vakakura vachitaura chiRomanian.
Hanzvadzi Perceac vanoti: “Takanyatsoona ruoko rwaJehovha kubvira pekutanga chaipo. Tiri kuona rudo rwaari kutiratidza achishandisa sangano rake uye kutsigirwa kwatiri kuitwa nehama nehanzvadzi.”
Hanzvadzi Alina Havryliuk vakafirwa nemurume wavo hondo isati yatanga. Ivo nemwana wavo mukomana Vladyslav ane makore 16, vakasvika muSuwałki, kuPoland, vachibva kuVinnystia, kuUkraine, musi wa27 February. Vanoti: “Pakutanga ndainetseka kuti tichanogara kupi uye tichararama sei. Asi ndaiva nechokwadi chekuti Jehovha aizotichengeta.”
Hanzvadzi Alina, avo vane makore 37, vakabva vatotanga kutsvaga basa risingazovatadzisi kupinda misangano. Vakawana basa rekuchenesa pane chimwe chikoro. Vanoti: “Chakanakira basa iri ndechekuti rinondipa mikana yakawanda yekuparidza uye rinoita kuti ndikwanise kuchengeta mhuri yangu.”
Hanzvadzi Alina nemwana wavo Vladyslav vari kudzidzira mutauro wechiPolish uye vari kuenderera mberi nekushanda semapiyona ebetsero mune imwe ungano yechiPolish. Vladyslav akawanawo nzvimbo kuchikoro chesekondari.
Hama nehanzvadzi dzedu dzekuUkraine dziri kusangana nematambudziko akakura asi Jehovha ari kuramba achidzipa simba rakawedzerwa pane ravagara vainaro. Vari kuona kuzadzika kwemashoko ari pana 2 VaKorinde 4:8 ayo anoti: “Tinoomerwa munzira dzese, asi hatiomerwi zvekutadza kufamba; tinovhiringidzika, asi kwete zvekushaya pekubuda napo.”